CHISHONA CHANAKA

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1.    Munda unorimwa mupunga unonzi doro kana kuti dimbwa.
2.    Munda mutsva unonzi gombo.
3.    Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi gura.
4.    Sadza rakasara nezuro rinonzi munya.
5.    Mwana anozvarwa nguva yake isati yakwana anonzi gavamwedzi.

* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1.    Munochengeterwa fodya yebute inonzi nhe***.
2.    Zvimiti kana mabhonzo akavezwa anoshandiswa nen’anga pakushopera anonzi hak***.
3.    Tunzungu tudiki twusina kunyatsosvika twunonzi mhu***.
4.    Nzvimbo inofudzirwa mombe inonzi maf****.
5.    Munhu ane simba rekukuvadza vamwe nemishonga vakarara anonzi mur***.

* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey