Uncategorized

Chisionekwi humhandara hwamai

21 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

MUCHINDA uya akati, unotoshaya kuti zviri kumbofamba sei? Neniwo ndiri kushaya kuti zviri kumbofamba sei? Kwete zvekuti unotoona mapositori achirova mapurisa netsvimbo pamasowe amadzibaba Ishimairi, wotoona mapurisa achitiza. Wonzwa kuti madzibaba Ishimairi vari kushaikwa. Wotoshaya kuti zviri kumbofamba sei?

Mapurisa ozosunga mamwe mapositori aye, mapositori acho otanga kunyora tsamba achikumbira ruregerero kuna VaChihuri. VaChihuri voregedza kupindura tsamba yacho. Mapositori aye oramba ari muchitokisi. Pava paye mapositori aye ozonzi abvise ma$100 ekuti vabude muchitokisi, asi vobva vashaya mari yekubhadhara. Vakadzi vavo vobva vatanga kuchema, wobva watoshaya kuti zviri kumbofamba sei.

Zvisinei, idzi inyaya dzezviitiko zvemuHarare. Ini chandiri kushaya kuti zviri kumbofamba sei ndechekuti, mubepanhau munobuda mukadzi wechidiki azvara vana vana panguva imwe chete. Handizive kuti chiShona chinoti vana ava vanonzi chii, nekuti havasi mapatya, nekuti mapatya anozvarwa ari maviri chete.

Saka kana vabuda vari vana vanonzi chii? Vana vana vasikana vazvarwa nemudzimai wechidiki uyu, vanoita kuti mukadzi uyu nemurume wake vafare zvikuru nekuti mhuri yavo yave nevana vashanu. Baba vevana ava vave kutonzi “Baba vaFour”. Mamwe mazita haadi kuti utambe bhora reWorld Cup kuti ugozoapihwa.
Asi panguva imwe chete yatiri kufara pamwe chete namai Four nababa Four vekuMbare, kuZengeza kuri kuitikawo

chisionekwi humhandara hwamai! Kune mumwewo mudzimai ikoko kuChitungwiza, akarova mwana wake ane makore manomwe kusvikira mwana afa.

Amurova kusvikira afa kudaro, akabva asairira chitunha chemwana uyu pasi pemubhedha wavairara. Iye nemurume wake ndokutorara pamubhedha une chitunha chemwana pasi? Kutoridza ngonono husiku hwese, ndokutofuma vachitsvaira pachivanze nekuita mabasa avo ese sekunonzi zvinhu zvese zvakanaka. Murume ozoti atova masikati, chirega ndinotaura kumapurisa kuti takarara nechitunha mumba.

Upenyu hunoshamisa sesadza rinodyiwa risingatize vanhu vari kuridya. Ndine vanhu vazhinji vandinoziva vari kunamata kuti dai Mwari angovapawo mwana mumwe chete zvake saHannah wemuBhaibheri. Mwana mumwe chete zvake wekuti vangonzi amai nhingi kana baba vayeyo, asi ndipo paunoona mumwe munhu achidzvura mwana sekunonzi ari kurova nyoka yapinda mumba.

Kana musingade vana vamakapihwa, garai maenda kunotaura nevanochengeta vana mumisha inochengeterwa nherera vakubatsirei. Asi chiripo ndechekuti vana vatinoitira zvakaipa kudai ivava, ndivo vanhu vanotida kudarika vana vatiri kutarisira kuita kwatakazonoroorwa.

Zvino kutadza kufunga kwemukadzi wekuZengeza uyu kwamushaisa zvese. Kana anga achifunga kuti kwaakaroorwa vachamuda kana asisina mwana wake, airasa. Iko zvino vekwaanga akaroorwa vanogona kunge vave kuti, “Hama yedu haingaroore mhondi inotiunzira ngozi mumusha.”

Zvekuti kana murume wamai ava akasavharirwa pamwe chete navo, chokwadi chiripo ndechekuti achasara achitsvaga mumwe mukadzi, opfuurira mberi neupenyu hwake. Uyu mukadzi wekufunga kuti akauraya mwana wake achabva adiwa chaizvo achaona kuti munhu aimuda zvechokwadi uye zvisina kunyepedzera, ndiye mwana wake waakaponda uyu. Dai Mwari vatibatsira kuti kana zvichinge zvaoma, tisafunge nezvigunwe panzvimbo yekufunga nepfungwa.

[email protected]

Share This:

Sponsored Links