Chitofu onodya remahara kujeri

15 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Chitofu onodya remahara kujeri Haka

Kwayedza

Abel Zhakata

MURUME wekuNyanga achapedza makore mapfumbamwe ari mujeri mushure mekubatwa nemhosva yekuwanikwa aine haka achityora mutemo weParks and Wildlife Act.

Wilson Chitofu (52) wemumusha waKadyamukonde kwaMambo Saunyama abvuma mhosva iyi paamiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrate Court, Muzvare Perseverance Makala.

Muchuchisi VaTalent Nyamuzuve vaudza dare kuti matikitivha eCriminal Investigations Department (CID) ekuchikamu cheMinerals, Fauna and Flora Unit kwaMutare nguva yadarika vakatambira mashoko ekuti Chitofu aive nehaka paKazozo Business Centre kuNyanga.

Vakanzwa kuti Chitofu aitsvaga munhu anotenga haka iyi.

“Matikitivha akaenda kuKazozo Business Centre nechinangwa chekunotora haka iyi pamwe nekusunga Chitofu. Mumwe wematikitivha aitaurirana naChitofu achizviita semunhu aida kutenga.

“Vakawirirana kusangana pedyo neKazozo Business Centre. Mumwe wematikitivha aya akasangana naChitofu vachibva vawirirana kuti vaizonopedzisa dhiri ravo panzvimbo iri chinhambwe chemamita 300 kubva pane mabhizimisi aya. Chitofu akaenda kunotora haka ndokudzoka akabata chigubhu cheyellow,” vanodaro VaNyamuzuve.

Chitofu akazosungwa mushure mekunge matikitivha aona kuti muchigubhu maiva nehaka.

Achibvunzurudzwa, Chitofu anoti akawana haka iyi kuFombe kwaMambo Katerere kuNyanga asi akakundikana kuburitsa magwaro anoratidza kuti ane mvumo yekuichengeta sezvinodiwa pasi pemutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey