Uncategorized

Chitungwiza yapihwa $8,3m

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Chitungwiza yapihwa $8,3m

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungwiza iri kuita mabasa ebudiriro anosanganisira kuvandudza mapombi anofambisa mvura yesuweji nekucheresa zvibhorani ichishandisa mari inosvika $8,3 miriyoni pasi pehomwe yeDevolution Fund iyo yakabva kuHurumende.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wekanzuru iyi, Mai Evangelista Machona vanotenda Hurumende nerubatsiro urwu.

“Takatambira $8,3 miriyoni yezvirongwa zvedevolution apo takashandisa $6,8 miriyoni pakuchera zvibhorani sezvo dambudziko remvura rakakura muno uye $1,5 miriyoni tikagadzirisa pombi dzesuweji.

“Takachera zvekare 25 maBush Pump kumawadhi makumi maviri nemashanu uye tiri kuona achishanda zvakanaka nechikamu che90 percent,” vanodaro.

Mai Machona vanoti kanzuru yakacheresa zvibhorani 33, kusanganisira zvinoshandisa simba remagetsi anobva muzuva uye zvimwe zvina zvakamirira kugadzirwa kana pachinge pawanikwa mari.

Mai Evangelista Machona

“Takagadzirisa zvibhorani zvemuwadhi 25 tikacheresa 13 kubva pazvibhorani 25 zvakagara zviripo. Mawadhi anoti 2, 8, 10, 12, 14, 20, 21 ne25 akanga aine mvura izvo zvakaita kuti kanzuru igadzire maBush Pump,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvibhorani zviri mumawadhi anoti 3, 7, 15, 19 ne22 zvakaonekwa zvisina mvura zvachose uye mamwe mawadhi 12 ange asara vari kuronga kuti azocherwawo zvibhorani kuti vanhu vawane mvura yakachena.

“Takatenga zvekare midziyo yekugadziridza mapombi anofambisa suweji. Takabva kutambira zvakare imwe $2,8 miriyoni iyo tichashandisa mumabasa ebudiriro,” vanodaro.

Mai Machona vanoti kudhura kwemafuta edzimotokari pamwe nemidziyo yekushandisa mubasa iri, kwakaona nyanzvi dzekuZimbabwe National Water Authority (Zinwa) dzimbomira basa rekuchera zvibhorani muChitungwiza.

“Pamusoro peizvi, nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze ndidzo dzimwe dzava kukonzera kuderera kwemvura yepasi uye kuoma kwezvimwe zvibhorani. Kushomeka kwemari ndiko kumwe kwava kuita zvekare kuti mamwe emabhindauko edu ambomira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links