Muchaneta Chimuka
VAGARI vemuChitungwiza vari kugamuchira nemaoko maviri danho rakatorwa nekanzuru yavo pamwe nevatsigiri veAfrican Development Bank rekurwisa dambudziko resuweji iyo inongoyerera pose-pose sezvo yave nemakore mazhinji ichivashungurudza.
Kanzuru iyi iri mushishi kuisa mapaipi matsva anova mahombe kuitira kuderedza nyaya dzekuzara kwaanoita izvo zvinozokonzera kuti avhare suweji yopedzisira yave kutushuka.
Mamiriro ezvinhu aya ange achipa mukuna mukuru wekunyuka kwezvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera.
Vachitaura mushure mekumema nzvimbo yeUnit M, Unit O nekuSurface nomusi weMuvhuro uno, vakafanobata chigaro chameya weChitungwiza — VaJapson Nemuseso — vanoti zvakakosha kugadzirisa dambudziko resuweji iri.
“Suweji idambudziko guru munharaunda ino zvichisanganisira nekushaikwa kwemvura yemupombi. Apa takatotanga basa rekuisa mapaipi matsva atakawaniswa nerutsgiro rweAfrican Development Bank uye tinotarisira kuvandudza basa redu kuburikidza nehomwe inobva kuHurumende yeDevolution Fund. Tiri kutarisira kuisa mapaipi matsva esuweji panzvimbo yakareba 2,6 km uye pazvirino tiri pa600m saka tichine basa guru,” vanodaro.
VaNemuseso vanoti vanotarisira kuti mukupera kwaNdira 2025 basa iri rinenge rapera uye nyaya yekutushuka kwemapaipi esuweji inenge yatova nhoroondo muChitungwiza.
Mashoko avo anotsinhirwa nameya wedhorobha iri, Kanzura Rosaria Mangoma vachiti: “Hakuna chisingaperi, tinotenda vatsigiri vedu nebhanga reAfrican Development Bank vari kutibatsira nezvekushandisa saka kana basa richibatwa nemichina kudai zvinoreva kuti vashandi vedu vanorerukirwa.
Tiri kupinda munharaunda dzese dziri kunetsa suweji dzakadai seZengeza, St Mary’s, Pagomba, Unit O neUnit M tichiona kuti dambudziko iri rakagadziriswa. Tinoziva nyika ino yakatarisana nechirwere checholera mune mamwe matunhu akadai seKariba nokudaro hatidi kuti chitekeshere sezvachakaita muna2008 apo takarasikirwa nevanhu vakawanda.”