Uncategorized

Chitunha chadyiwa. . . mhuno, muromo nemaziso

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Chitunha chadyiwa. . . mhuno, muromo nemaziso Laston Bweya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAMAMBO Chihota, kuMarondera, kunonzi kwakaitika manenji apo chitunha chemumwe mudzimai chiri kunzi chakazovigwa chisisina dzimwe nhengo dzemuviri mushure mekunge chadyiwa maziso, muromo nemhuno nezvinhu zvisina kuonekwa.

Mambo Chihota VaRaphael Chigodora vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika mubhuku raUkama.

Mhuri yekwaBweya ndiyo yakasangana nemashura aya apo mutumbi waAgnes Bweya (62) unonzi wakadyiwa nechinhu chisina kuonekwa ukasara usisina mhuno, muromo nemaziso.

“Tine nyaya dzakawanda zvikuru dzinoitika mudunhu mangu, dzimwe dzinotyisa uye dzinovanzwa idzo dzatinozongonzwira kure kwakaita sekuHarare.

“Izvozvi tine nyaya yechitunha chemudzimai chinonzi chakazovigwa chisina mhuno, muromo nemaziso. Vemhuri iyi havana kuuya kuzotaura nyaya iyi kwandiri izvo ndave kutonzwa nemakuhwa,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoti nyaya dzakadai vanoguma vave kudzibvunzwa nevamwe vanhu zvovaita kuti vashaye mapinduriro.

“Nyaya iyi yakatosvitswa kumakurokota angu ini ndisiko kumusha, avo vaisazvizivawo zvichibva nekuvanhu vaiva kurufu urwu.

“Zvadaro, ndakazotuma mapurisa angu kumhuri iyi iyo iri kutsengatsenga mukanwa nekuda kwenyaya iyi zvisinei nekuti ine chokwadi. Ndiri kushevedza mhuri iyi kudare rangu kuti vazodavira mhosva iyi nekuti patsika dzechivanhu imhaka,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mhuri iyi yaifanirwa kuenda kumapurisa kunozivisa nezvenyaya iyi kuti kuonekwe kuti chii chakaitika pachitunha, nyaya yacho yoferefetwa.

VaDouglas Furamera (59), avo vanova mupurisa mukuru waMambo Chihota, vanoti nyaya iyi vakatozoinzwa nemakuhwa kusvikira vazoenda kumhuri yemushakabvu.

“Shoko rechitunha chinonzi chakadyiwa mhuno, muromo nemaziso chikavigwa chakadaro rakasvika kwatiri semakuhwa zvisinei kuti vemhuri iyi vave kuramba. Vave kutya mhosva yekuti havana kuendesa nyaya iyi kwamambo,” vanodaro.

VaAmos Furamera (83), rimwe remakurukota aMambo Chihota, vanotsinhira vachiti nyaya iyi yakavashamisa zvikuru.

“Vanhu vaiva parufu urwu ndivo vakazosvika kwatiri vaine kutya kukuru. Tinoda kuti mhuri iyi ifambe, vogadzirise nyaya iyi,” vanodaro.

Kwayedza yakashanyira mhuri yekwaBweya ndokutaura nedzimwe hama dzemushakabvu.

VaLaston Bweya (60), vanova hanzvadzi yaAgnes, vanoti mutumbi wake wakafuta nekuzoita maronda pamhuno, kwete zvekunzi mhuno, maziso nemuromo zvakawanikwa zvisipo.

“Hatina kukwanisa kuzoonekana nemufi apo vanhu vakadzvamuka votiza mumba vaita mudungwe nezvavakaona. Ini ndaiva panze, ndakangoona vanhu vave kudzokera shure, vaiva vatanga kupinda mumba vave kutiza. Pane vanhu vana chete vainge vaona mutumbi ndokudududza votiza mumba zvikaita kuti bhokisi rivharwe,” vanodaro.

Vanoti vanhu vaitiza ava vakanga vaona kuzvimba kwechitunha nemaronda aiva pachitunha uyewo nekunhuhwa uko vanoti chakanga choita.

Antony Bweya (58) imwezve hanzvadzi yemufi uye anotsinhira achiti havana kuzoonekana nemufi apo vanhu vakanga vaita mudungwe vakadzvamuka kutiza mumba.

“Hatina kuzoonekana nemumufi apo vanhu vaiva kumberi vakaita chipitipiti votiza mumba mutumbi wazvimba uyewo nekunhuhwa bedzi. Pamhuno ndipo paiva paita zvidzimu uyewo mutumbi waibuda furo mukanwa nemumhuno, ndizvo zvakatiza vanhu.

“Vekambani yakauya nemutumbi vakabva vati tichirega kuonekana nemufi ndokubva vavhara bhokisi,” vanodaro VaAntony Bweya.

Vanoramba zvakare nyaya yekuti mutumbi uyu waiva usisina mhuno, maziso nemuromo.

“Isu tinobva kuMalawi, pane zvakaitika izvi tinofungidzira kuti hatina kuita chivanhu chedu chekutamba gule izvo zvakatsamwisa mufi. Tiri kuronga kufamba, sisi havana kurwara asi vakangodonha vaenda kuimwe nhamo yemumwe munhu muno ndokuzovaendesa kuMahusekwa uko vakanofira,” vanodaro.

Mbuya Funress William (90), vanove amai vaAgness, vanoti hapana zvavanoziva nezvenyaya yekuti chitunha chemwana wavo chakazovigwa chisina dzimwe nhengo dzomuviri.

“Ini ndiri bofu, kana kunditaurira havana. Kurwadziwa bedzi neshungu dzekuti mwana wangu akashaika, pamwe vakatya kundizivisa chishamiso chakadai,” vanodaro.

Vamwe vehukama vanoti havana kutaura zvose zvakaitika kuna Mbuya William nekutyira kuti vaigona kuzorwadziwa zvakanyanyisa.

Votaurawo nezvechiitiko ichi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti inyaya iri pachena kuti mudzimai uyu akafa nekuroyiwa.

“Vakazonoviga zvavo mutumbi asi wakanga watorwa kare nevaroyi. Zvinoda kuti mhuri iyi ifambe kuvanhu vanogona zvechivanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links