Uncategorized

Chitunha chakachema

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Chitunha chakachema Guva Irene Kachoka

Kwayedza

. . . chikarasa-rasa maoko
VANHU vaiva parufu rwemukadzi ari kunzi akafa asina kurwara kwaNyamweda, kuMhondoro, vakapotsa vadzvamuka vachitiza mumba maiva nemutumbi wemufi apo chitunha chinonzi chakatanga kuchema zvekutoridza mhere.

Chitunha chaIrene Kachoka (29) wemubhuku raGukwe – uyo anga ari mudzimai waVengai Chirenje (32) – chiri kunzi chakatanga kubongomora kuchema chakaradzikwa pamagumbeze muimba yekubikira apo vanhu vainge vanyerere vachimirira kuitwa kwemunamato.

Mudzimai uyu anonzi akafa asina kurwara apo akaswera ari kurufu mubhuku raNevanji, ndokuzofuma rechimangwana racho akafa.

Chitunha chinonzi chakachema apo mumwe mudzimai aiva parufu apa akapinda mumba mainge makaradzikwa mufi, ndokunogara nechekumusoro kwacho, pakarepo chichibva chazhamba izvo zvinonzi zvakatora nguva pfupi.

Mutumbi uyu unonzi wakatanga uchiita seuri kuzamura apo waitambanudza nekupeta maoko uchigonya makumbo nekuatambanudza sezvo wainge isati waiswa mubhokisi.

Pamusoro pezvo, mutumbi uyu unonzi wakanhuhwa (kukanda) apo munhu ainge achangofa, veruzhinji vakashamisika nazvo.

Manenji aya anotsinhirwa nemurume waKachoka, Vengai Chirenje (32), achiti mafambiro akaita nyaya iyi zviri pachena kuti mudzimai wake akafa nekuroyiwa.

“Mudzimai wangu akafa asina kurwara, akatobva kunhamo pane mumwe musha uri muno. Takadya sadza tichibva tarara apo mangwanani acho kuma3 akangoti ainzwa kupiswa nekunzwa zvinhu zvaiva zvakamugara pamapendekete, ndokufa makuseni iwayo.

“Takaenda nemutumbi wake kukiriniki yekwaMonera uko takaudzwa kuti ainge afa apo mutumbi wakabva watanga kunhuhwa pakarepo,” anodaro.

Anoti vakazodzokera nemutumbi uyu kumba.

“Munhu achingofa, mutumbi wakazvimba kusanduka kuita wemunhu watisingazive ndokunhuhwa ipapo. Mumba imomo vanhu vanyerere, mutumbi wakaridza mhere zvikanzwikwa nevanhu vaivepo. Vamwe vakatizira panze.

“Amai vangu ndivo vakazodzikamisa vanhu, kusanganisira muporofita aiva pakati pedu, Madzibaba Edwin Chivakira (32),” anodaro.

Vanhu vaiva parufu urwu vanonzi vakaedza kupeta maoko nemakumbo

echitunha chemukadzi uyu asi

vakazvitadza kudzimara chakazodzora choga maoko ndokugumbata apo makumbo ainge agonyeswa.

“Musi watarara tichimirira kuzoviga mufi rechimangwana, takafumoona mukweshwa wenyoka mune imwe imba iyo yakauraiwa ikanokandwa kunze kwemusha izvo tinofungidzira kuti mashura airamba achingotivinga. Takazoviga mufi mutumbi wake wasanduka, kana ini muridzi wemudzimai ndakatadza kumuziva,” anodaro Chirenje.

Husiku hwemusi wavakavigwa mutumbi uyu panonzi pamusha apa pakasvika bere richichema apo vamwe vanhu vainge varere pamoto waive panze.

Bere iri rinonzi rakazodzingirirwa nembwa risati ranyangarika.

“Bere iri tariona richida kunosvika paguva, takazofuma tichinotarisa ndokuona matsimba aro nekwarakabva nako richinanga kuguva neuko rakazotiza nako,” anodaro.

Madzibaba Chivakira, avo anova sahwira wemhuri iyi, anotsinhirawo nyaya yekuchema kwechitunha achiti zvakaitika apo vanhu vaiva vakanyarara vachida kunamata.

“Pakangopinda mumwe mudzimai achibva asvikogara kumusoro kwechitunha apo chakabva chachema ini ndave kuda kunamata. Inyaya inoshamisa asi ine chekuita nehuroyi .

“Mashoko akataurwa nechitunha pachaichema hatina kunyatsoanzwa asi chakangoti ‘amai wee aaa hiii imi uuuu,’” anodaro.

Mai Magarate Kicheni (60), vanova vamwene vaKachoka, vanoti vaiva vakagara kumusoro kwechitunha chemuroora wavo apo vakanzwa chave kuchema.

“Mumba maiva nerunyararo apo ndakangonzwa chitunha chave kuchema, kuzhamba chaiko. Vamwe vanotya vakatizira panze, handina kumbobvira ndakaona zvakadaro. Muroora wangu akadyiwa nevaroyi bedzi,” vanodaro.

Edmore Chivakira (25) – mumwe wevanhu vakarova nyoka parufu urwu – anoti zvakaitika pamusha uyu zvakaoma.

“Chitunha chakachema uyewo nekupeta mawoko nemakumbo izvo mutumbi wakavigwa wakagumbata maoko makumbo akagonya. Mumba maiva nechitunha makaitika masaramusi apo kune vanhu vaviri vakangoerekana vave kuchema vachiti vairohwa nezvinhu zvavaisaona. Imwe chembere yakatowira pamusiwo ikafenda, nemumwe akabuda mumba achimhanya.

“Mwana mudiki aingochema zvakare pasina kunyarara,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links