Chitunha chakavigwa chisina musoro

14 Feb, 2025 - 16:02 0 Views
Chitunha chakavigwa chisina musoro

Kingstone Mapupu

MHURI inobva mumusha waSabhuku Chikuyo kwaChigango kudunhu raMambo Chiswiti kuMukumbura, kuMt Darwin izere nekushushikana uye nekutya zvichitevera hama yavo yechirume yakapondwa ikadamburwa musoro nekubviswa sikarudzi, tsoka uyewo nezvanza zvemaoko ndokuvigwa mutumbi usina musoro.

Mutumbi waNorman Mangava (40) wakanhongwa kurwizi rwaMukumbura kumavambo kwesvondo rino usina kupfeka uyewo usina musoro nedzimwe nhengo dzemuviri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Regai ndimbotanga ndataura nemapurisa edu ekuMukumbura tingowana zvizere nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mundembe.

Mai Letwin Mangava (45) vanova hanzvadzi yaNorman vanoti vari kushushikana zvikuru nefiro yakaita hanzvadzi yavo nekupondwa.

“Norman akabva pamba achisiya amai vake pakati pemwedzi waNdira achienda kumasango ekurwizi rwaMukumbura uko ainotsvaga nhowa anova makonyi anodyiwa akaita semadora kana kuti harati. Musi wakare uyu masikati, akadzoka aine gaba raaiva azadza nhowa idzi ndokumbogara pamba. Mushure mechinguva, akataurira amai vake zvakare kuti aida kudzokera kusango uku kunotsvaga dzimwe nhowa asi vakambomurambidza achibva azoita zvekutiza kuenda kusango uku. Haana kuzodzoka kusvikira kwasviba zvakaita kuti vanhu vatange kumutsvaga,” vanodaro Mai Letwin Mangava.

Vanoti amai vavo nevamwe vemusha vakazotanga kuvhunduka zvakanyanya apo kwakaedza asina kudzoka.

“Vanhu vose vemusha vakatanga kumutsvaga kunzvimbo dzakasiyana ndokumhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMukumbura. Kwakaita mazuva anokwana 14 asina kuwanikwa. Kune vana vaifudza mombe vanonzi vakazoona mutumbi wemunhu murwizi rwaMukumbura asi vakarambidzwa kuzvitaura nevabereki vavo kusvikira nyaya iyi yakazobuda pachena. Vanhu vakaenda vakanowana mutumbi uyu uri waNorman Mangava hanzvadzi yedu usina kupfeka usinawo musoro, sikarudzi uye tsoka nezvanza zvemaoko paiva pasina,” vanodaro Mai Letwin Mangava.

Vanoti nzvimbo yakawanikirwa mutumbi uyu murwizi rwaMukumbura pazambuko rinoenda kuchipatara chePfunyanguwo kumuganhu wenyika ino neMozambique apo panofamba vanhu nguva dzose.

“Hatizive kuti sei vanhu vaisaona mutumbi uyu zvakaita kuti tifungidzire kuti waiva wabviwa nawo kune imwe nzvimbo nekuti paiva nemutumbi uyu nekwakawanikirwa mbatya dzake chinhambwe chinoita makiromita maviri kana kudarika uyewo takaona nzvimbo yaakambenge akagara padombo apo akadyira michero yemusango,” vanodaro Mai Letwin Mangava.

Vanoti vakaziva mutumbi uyu nekuda kwevanga raiva kumusana kwehanzvadzi yavo uyewo nechikabudura chaaiva akapfeka chakazowanikwa musango.

Zvisinei, hembe yake shati vanoti haina kuwanikwa.

“Pakaonekwa mutumbi uyu, mapurisa vakazouya kuma2 mambakwedza vakautora usina musoro nedzimwe nhengo dzakasiyana. Vakazosiya vatitaurira kuti tizotsvaga musoro uyu apo takaita mazuva mana tichiutsvaga kumasango tikaushaya. Takazivisa mambo nevamwe vakuru muno sezvo chitunha ichi chakanga chawora takangoviga chisina musoro,” vanodaro Mai Letwin Mangava.

Vanoti dambudziko guru pamafiro aNorman rasarira mumwe munyambiri wake sezvo vakaberekwa vari mapatya nekudaro haazi kukwanisa kuzvitambira.

“Gogo Ruth Mangava (63) vanova amai vaNorman nesu tose veukama tiri kuchema kuti dai musoro wehama yedu wawanikwa sezvo pachivanhu zvisingaite kuti munhu avigwe asina musoro. Vechechi yaaipinda yeJohane Masowe YeNguwo Tsvuku vakaramba kuti tivakire guva rake sezvo vachiti pamutemo wechechi yavo munhu akavigwa asina musoro guva rake harivakirwe uye kana kumuita nyaradzo haaitwe,” vanodaro Mai Letwin Mangava.

“Tava kugara tichitya kuno nezvakaitika izvi nekuti hatizive kuti mhondi idzi dzakaperera panaNorman here kana kuti vachadawo kuzviita kune vamwe. Nyaya iyi ndeyekutanga kuitika mudunhu medu zvisinei kuti tinonzwa kuti kune mabhinya anomboita kumwe, tinodawo vanhu vanogona kuti vatibatsire,” vanodaro.

Mai Chipo Mangava (38), imwe hanzvadzi yaNorman zvekare, vanoti chichemo chavo mavigirwo akaitwa hama yavo isina musoro izvo zvavanoti zvinoyera.

“Izvozvi vanababa vari kufamba vachitaurirwa kuti musoro uyu wakadamburwa ukazoputirwa muhembe yake yaaiva akapfeka iyo takashaya ukaendwa nawo. Tinodawo vanogona kubatsira kuti vatizivisewo kwakaenda musoro wehama yedu,” vanodaro Mai Chipo Mangava.

Mune imwewo nyaya, kudunhu raMambo Mangwende kwaMurehwa makore mashoma adarika kune mwanakomana ainzi Tapiwa Makore (Jnr) uyo ane mutumbi wakavigwa usina musoro mushure mekupondwa nababamukuru vake vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe.

 

Share This:

Sponsored Links