Chitunha chakavigwa kaviri

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Chitunha chakavigwa kaviri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekuKuwadzana muHarare iyo inonzi ine mutumbi wemwana wayo wakafukunurwa kumakuva ekuMbudzi uye yainge yatambura kutsvaga mari yekuti mutumbi uyu unoongororwa nanachiremba kuti zvionekwe kana mwana uyu ari wavo zvechokwadi vakazobatsirwa neveruzhinji zvichitevera kushambadzwa kwakaitwa nyaya iyi.

Mhuri yekwaMwaningureni inogara panhamba 1455 mumugwagwa wa241 kuKuwadzana 2 nguva yadarika yakafirwa nemwana mukomana ainzi Christian uyo aiva negore nechidimbu rekuberekwa ndokuviga mutumbi wake kumakuva ekuGranville (kuMbudzi).

Mushure memwedzi miviri chitunha ichi chavigwa, guva remwana uyu rakazowanikwa rakafukunurwa, mutumbi uri panze asi usina musoro, mawoko nemakumbowo.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheHarare Central Hospital kuti unoongororwa nanachiremba kuti uonekwe kuti ndewemhuri iyi here.

Kuti izvi zviitwe paidiwa $500 izvo zvakaita kuti vemhuri iyi vaomerwe.

Nyaya iyi yakazoburitswa mubepanhau reKwayedza nepanhepfenyuro yeStar FM zvikaita kuti vemhuri yekwaMwaningureni vabatsirwe neveruzhinji nemari yakazosvika $2 000.

Self Mwaningureni (27), vanova baba vemwana uyu vanoti kuburikidza nekubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza nepaStar FM, zvakabatsira zvikuru.

“Tinotenda zvikuru ruzhinji rweZimbabwe, mari yataichemera iri kuuya muhomwe yakavambwa neStar FM kuburikidza nechirongwa cheTilder Live Show. Mutumbi wemwana wedu uchingopera kuongororwa, tichauviga patsva,” vanodaro.

VaArthur Mwaningureni (62) vanova sekuru vemuchakabvu vanotsinhira vachiti, “Mari yavapo yekuti mutumbi uongororwe neyekuti tigoviga zvakare mutumbi zvine mutsigo.

Tinotenda veKwayedza neStar FM nebasa guru ramunoita. Takanga tongoti mutumbi uyu uvigwe zvawo neHurumende nekushaya mari,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links