Uncategorized

Chitunha chisina musoro, maoko nemakumbo

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Chitunha chisina musoro, maoko nemakumbo Padombo rinotemerwa zvitunha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
IMWE mhuri yemumusha weKuwadzana 2, muHarare, iri kushushikana zvikuru nekuda kwemutumbi wemwana wavo uyo wavakaviga kumakuva eGranville Cemetery (kuMbudzi) ndokuzowanikwa wakafukunurwa muguva uye usina musoro, mawoko nemakumbo.

Mutumbi waChristian Mwaningureni uyo akashaya ave negore nechidimbu rekuberekwa wakawanikwa wakafukunurwa muguva nemusi wa11 Nyamavhuvhu.

Vashandi vekanzuru yeHarare vanosevenzera kumarinda aya vanonzi ndivo vakatanga kuona kuti guva raChristian rainge rakafukunurwa.

Mutumbi wemwana mukomana uyu waiva wasvitsa mwedzi miviri nechidimbu wavigwa.

Pakawanikwa mutumbi uyu usisiri muguva, wainge wakabviswa musoro nemumutsipa, mawoko akachekwa nemumagokora uye makumbo akadamburwa nemumabvi.

Zvairatidza kunge pakashandiswa demo kubvisa mitezo iyi uye waive chinhambwe chingaite mamita 20 kubva paguva rawakavigwa uri padombo.

Christian Mwaningureni

Mwedzi wapera, mumwezve mutumbi wemwana ainge avigwa kuMbudzi wakawanikwa uri padombo rimwe chetero iri uye wakabviswa dzimwe nhengo.

VaSelf Mwaningureni (27), vanova baba vemuchakabvu uyu, vanoti vakaridzirwa nhare vari kuMt Darwin vachiudzwa kuti mutumbi wemwana wavo wainge wafukunurwa ukawanikwa usisina dzimwe nhengo.

“Mwana wangu akafa nekurwara tikanomuviga kuMbudzi nemusi wa23 Chivabvu. Ndakazonzwa baba vangu vachiti ndiuye, chitunha chemwana chawanikwa chakafukunurwa asi chisina dzimwe nhengo.

“Ndinoti ava vanhu vanoshereketa vari kuda kushandisa mweya wemwana wangu kuromba,” vanodaro.

Vanoti nyaya yave kuvanetsa ndeyekuti mutumbi uyu wakaendeswa kuchipatara cheHarare Central Hospital uko vari kunzi vabhadhare $500 yekuti uongororwe kuti ndewemwana wavo zvechokwadi here.

“Taifunga kuti kurwadziwa kwatakaitwa nekufirwa nekuzoviga kwakapera, zvino mwana akafukunurwa, tave kunzi anoda kuitwa maDNA tests kuti zvionekwe kuti ndewedu here zvechokwadi. Mari iyi hatina, kwakaenda musoro wemwana, makumbo nemawoko hatikuzive uye nyaya iyi takatoita yekunzwa nemapurisa kwete nevepachipatara,” vanodaro VaSelf Mwaningureni.

Amai vemwana wekufukunurwa, Mai Yemurai Maravanyika (25), vanoti: “Nyaya iyi yave kuita kuti tirambe tichirwadziwa, tanga tave kuzorora tichingoti mwana akafa. Zvino kwatanga rimwe basa nekufukunurwa kwakaitwa chitunha chake.

Arthur Mwaningureni

“Hatizive, zvichida avo vakatora nhengo dzemwana wedu vanoda kukanganisa isu vabereki vacho sezvo zvichinzi inzira yekuchekeresa,” vanodaro.

Vabereki vemwana uyu vanoti havana kumbobvira vakadzokera kumakuva uku kubva pavakaviga chitunha kusvikira vazoziviswa nezvekufukunurwa kweguva iri.

Sekuru vemufi, VaArthur Mwaningureni (62), vanoti vakangoerekana mapurisa asvika pamba pavo panhamba 1455 mumugwagwa wa241 Kuwadzana 2 ndokuudzwa mashura aya.

“Mapurisa vakanditi ndimi here mune mwana ainzi Christian Mwaningureni wamakaviga kuMbudzi, ini ndokubvuma. Vakazotsanangura nyaya yavo.

“Takaenda navo nemwana wangu mudiki, Blessed (19), tikanoona guva rakafukunurwa, bhokisi rakapwanyiwa nepamusoro uye chitunha chisimo. Bhokisi rakasiiwa ririmo muguva.

Blessed Mwaningureni

“Mutumbi wemuzukuru wangu waiva wakaiswa padombo, magumbeze nemachira aaiva akaputiriswa akaiswa padivi,” vanodaro.

Vanoti zvinoshamisa kuti kune vamwe vanhu vave kuda mari zvekutadza kuremekedza vafi.

“Ndaiti muzukuru wangu zvandamuviga azorora, ndisingazive kuti kune nhubu dzichauya kuzomutadzisa kuzorora,” vanodaro VaArthur Mwaningureni.

Blessed Mwaningureni anoti nyaya iyi yakavavhundutsa semhuri kuti sei vanhu ava vakasarudza guva remwana wavo panzvimbo ine makuva akawanda.

VaEdmore Mwaningureni (50) vanova sekuru zvakare kumufi vanoti vatoomerwa nekuti havana mari iri kudiwa nechipatara yekuitisa ongororo yemaDNA kumutumbi usina musoro, mawoko nemakumbo uyu.

“Rufu rwuya rwamutsiridzwa patsva, taiti tapedza kuviga zvino zvamuka zvakare nekufukunurwa kweguva remwana wedu.

“Kunyangwe tikabhadhara $500 iyi, vanhu vachaungana zvakare vachida kudya uye tichatenga rimwe bhokisi idzva nekutsvaga zvakare motokari dzinotiendesa kumakuva nemutumbi,” vanodaro.

Marvelous Mushowe (35), anove ambuya vemushakabvu, anoti zvakaitika izvi zvinounza mhepo yakaipa mumusha mavo.

Marvelous Mushowe

Zvichakadai, guva iri rakafushirwa nevashandi vekanzuru yeHarare kuchimirirwa ongororo mutumbi uyu wovigwa zvakare muguva rimwe chete iri.

Vashandi vekanzuru kumakuva aya vanoti mutumbi uyu ndewechitatu kufukunurwa uchizowanikwa usina dzimwe nhengo kubva gore rapera.

“Nyaya idzi dzakatanga gore rakapera apo kwakafukunurwa mutumbi wemwana, mumwe akafukunurwa manje-manje muna Chikunguru.

‘‘Zvino tava neuyu, vari kuda zvitunha zvevana vadiki chete, uyu akafukunurwa muna Chikunguru haasati avigwa,” anodaro mumwe wevashandi ava uyo akakumbirisa kuti asaburitswe zita rake.

Mutumbi wemwana achangobva kufukunurwa waiva kumakuva ekuSection E uko kunovigwa zvitunha zvevana.

Pakashanyirwa marinda Granville neKwayedza nemusi weChina wakadarika, kumakumbo kweguva iri kwakawanikwa kwakapisirwa zvinhu zvinoita semishonga.

“Ndinofunga kuti uku kutsipika mweya wemufi. Ndivanaani vakaita izvi manje?” vanodaro VaArthur Mwaningureni.

Mhuri yekwaMwaningureni inoti iri kutsvaga rubatsiro rwekuti vakwanise kuviga patsva mutumbi wemwana wavo uyewo nekubhadhara $500 yekuti chitunha chiitwe ongororo kuchipatara kwachiri.

Mimwe yemifananidzo yechitunha chakafukunurwa haiite kuonekwa nevane hana nhete.

Share This:

Sponsored Links