Chivanhu nemakomo eNharira

05 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Chivanhu nemakomo eNharira Gomo reNharira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUCHENGETEDZWA kwetsika dzechivanhu nezvimwe zvakasiyana kumakomo eNharira, kuNorton – ayo anoremekedzwa zvakanyanya nevanhu verudzi rwekwaNyamweda kuMhondoro – kuri kufambira mberi zvisinei nekuti Sekuru Botemupote Mushore avo vaisichengeta nzvimbo iyi vakashaika kare.

Makomo eNharira anoitirwa chivanhu chinosanganisira mapira, mikwerera nekuvigwa kwemadzishe ekwaNyamweda. Kubva pakashaika Sekuru Mushore makore anodarika 15 adarika, kuitwa kwechivanhu munzvimbo iyi hakuna kumbomira.

Basa rechivanhu iri riri kutungamirirwa nemwanakomana waSekuru Mushore mukuru, VaPasipanodya Kawanzaruwa Mushore (62), vachibatsirwa nemasvikiro nevamwe vechikuru.

“Sekuru Mushore vakashaika kare, isu tinoti vakadzama asi mweya wavo tinawo. Mutumbi wavo wakavigwa pachivanhu patsika dzekwaNyamweda mumapako. Zvisinei nekufa kwavo, chivanhu tiri kuramba tichiita kusanganisira mapira enyika, mikwerera nezvimwe,” vanodaro VaKawanzaruwa.

Mapako eNharira

Vanoti makore ekuma1960, Sekuru Mushore vakarwiswa nevachena vaiva nemapurazi munzvimbo yeNorton vachinzi vabve mumakomo eNharira vakapisirwa tsaka dzavaigara vakambodzokera kwaKawanzaruwa kuMhondoro asi vakazodzoka vachitungamirirwa nemudzimu.

“Mukurwisana nevachena kwavaiita, pakamboitika masaramusi apo mumwe muchena akapfura gudo jena gumbo ndokufuma munda wefodya yake yose wakadzurwa midzi iri mudenga mashizha akabairirwa muvhu. Vakaitirana mhiko kusvikira murungu uyu akazoripa mombe, fodya yake ikaita zvakanaka kudzokera midzi pasi,” vanodaro.

VaKawanzaruwa vanoti Sekuru Mushore vaisabata mari kana kupfeka mbatya kunze kwematehwe, vaisakwira mabhazi kana motokari, vaidya sadza rezviyo chete nemhandire uye nembwirembwire nekumwe kudya kwechivanhu.

Muriwo wavaidya unonzi waiiswa dovi chete kwete mafuta ekutenga muchitoro.

Sekuru Mushore

“Vakambosungwa nemapurisa vari kuChitomborwizi vakada kutakurwa nemotokari yemapurisa ikaramba kumuka nekuny’ura mumatombo, vakazovataurira kuti vaende zvavo ivo ndokuti vanotevera netsoka vakavatangira kusvika kuNorton. Vakatowana vagara pasi pemupuranga zvikavashamisa.

“Pamhosva yavaipomerwa, mutongi akatobuda kunze kwedare achiedza kuvatonga pane kuti ivo vapinde mudare,” vanodaro.

“Inyaya dzakawanda dzemasaramusi aiitwa naSekuru Mushore. Mamwe emapurisa akanga avasunga zvakare vakaita tsaona vapisa tsaka kuNharira vamwe vakafa mushure mekutsiurwa kuti vasaite zvakadaro.”

VaAmbrose Shikisha (67) vanotsinhira kuchengetedzwa kwechivanhu munzvimbo iyi.

Madzimai aibika doro kuNharira

“Makomo ano inhaka yenyika, chivanhu chiri kuitwa. Asi, taita dambudziko nevanhu vanoda kusasana muno nevanamati vechipositori. Muno tine vachena vaviri vakauya kuzoita picnic yavo ndokuenda mune mamwe mapako edu vakazoguma vanamirirana kwemazuva maviri.

“Takazoita chivanhu vakanamanurana vachibva vamhanya kuenda kumugwagwa kwavaiva vasiya motokari yavo, hatina kuzovaona,” vanodaro VaShikisha.

Vanoti nzvimbo iyi inoteurwa nemiti mishanu yemibvumira yavanoti inobata mativi ose enyika nemarudzi evanhu.

“Tine mapako anovigwa madzitateguru edu muno vanovigwa vakagara sevanhu vapenyu vachioma vakadaro. Varimo izvozvi uye tine vanodarika gumi nevana.

Tsaka

“Patinopindamo tichiita chivanhu unotoita seunoona vanhu vapenyu vagere zvavo,” vanodaro VaShikisha.

VaTakawira Kasekera (76) vanoti gomo reNharira rine ninga inofamba nepasi kunosvika kuDzivaresekwa kwavanoti kwaigara mwanasikana wekwaNyamweda panzvimbo yainzi yaiva nedziva raiyera ndokunzi Chidziva chaSenwa.

“Kunzi Dzivaresekwa zvinoreva kuti Chidziva chaSenwa, aiva mwanasikana wekwaNyamweda ainzi Senwa akasvikogara pachidziva ichocho pachirwiwa hondo, vekwaNyamweda vaiva kune imwe mhiri vavengi vachiuya nekumwe,” vanodaro VaKasekera.

Vanoti muvengi aiti akapotsera miseve kana matombo aitadza kuyambuka dziva iri asi vekwaNyamweda vakapotsera zvaisvikouraya vavengu ava. Makomo eNharira anoyera anosanganisa Bvopfo, Chembudzi, Washamira, Chiburi, Zvematura, Zvingwere, Gwendesu, Gwiranemuzvo, Dzapasi, Zviware naMuchembere.

Thandiwe Muguyo

Chivanhu chose chinoitwa mugomo iri chinotungamirirwa nemuzukuru wekwaNyamweda, Mai Thandiwe Muguyo (50).

“Changu kutevedza zvose zvandinonzi nevayera moyo madziNyamweda ndiite,” vanodaro Mai Muguyo.

Share This:

Sponsored Links