Chiwandire onyunyuta

24 Mar, 2023 - 11:03 0 Views
Chiwandire onyunyuta Kudakwashe Chiwandire (kurudyi) achirwa naYamileth Mercado svondo radarika kuMexico

Kwayedza

Abel Ndooka

VAMIRIRI vaKudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire veDeltaforce Boxing Academy vanoti vanoda kunyorera tsamba kuWorld Boxing Council (WBC) vachitsutsumwa nemabatirwo avakaitwa nechikwata chaYamileth Mercado murwendo rwavo rwekuenda kuMexico svondo radarika.

Take Money akaenda kuMexico kunorwa naMercado akakundirwa pazvibodzwa apo chikwata chake chakasvika kunyika iyi mangwanani ezuva rimwe chete remutambo uyu sezvo mavisa avo akanonoka kugadzirwa.

Take Money nechikwata chake vakaita mazuva mazhinji vari kuSouth Africa vakamirira mavisa ekuti vaende kuMexico.

Izvi zvakaona vachisvika kuMexico nemusi weMugovera mangwanani apo mutambo wake naMercado waifanirwa kuzotambwa manheru acho.

Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti Take Money haana kuwana nguva yekunyatsozorora uye kuita gadziriro dzake dzekupinda mumutambo uyu.

Murairidzi waTake Money arizve maneja wake – Clyde Musonda – anoti vari kunyorera kuWBC vachitsutsumwa nemabatirwo avakaitwa.

Anoti vanoda kuti vapihwe mumwe mukana wekuti Take Money arwe naMercado zvekare.

“Pamutambo uyu, takasangana nematambudziko akawanda saka tiri kunyorera sachigaro weWBC tichimuudza matambudziko ese atakasanga nawo murwendo rwedu. Takapinda mumutambo uyu tichingodzika ndege.

“Tiri kuda kuti tisangane naye (Mercado) futi nekuti takanonoka kusvika, zvakatikanganisa zvakawanda, kusanganisira matambiro atakaita mumutambo uyu.

Nyaya iyi tiri kuisvitsa kuWBC,” anodaro.

Musonda anoti kukundwa kwakaitwa Take Money naMercado hakurevi kuti ndiko kupera kwemutambo uyu sezvo vanoda kurwira mabhande etsiva emamwe masangano anosanganisira eWorld Boxing Association (WBO), International Boxing Federation (IBF) neWorld Boxing Organization (WBO).

Anoti Take Money paave iye zvino mutsiva anogona kurwira bhande raanoda saka vachasarudza kuti orwira ripi.

“Pamarankings eWBC, mutambi wedu (Take Money), ari pamusoro zvekuti anogona kurwira mabhande akasiyana seeWBA, IBF neWBO. Asi isu hatisi kumhanya, tiri kuda kutanga tanzwa neWBC tavapira nyaya yedu tozogara pasi sechikwata kuti tofamba sei.

“Tiri kufara chaizvo kuti mutambi wedu makore ake achiri akanaka, ane makore 27 okuberekwa, ave kutotanga manje zvetsiva. Hapana chekutya, ndiye wekutanga kubva muZimbabwe kurwira bhande guru rakaita seiri uye tichadzoka.

“Haasi wekutanga kukundwa, isu tinoziva kuti achadzoka sezvakaita vatambi vakawanda vemutsiva vakadzoka vakazoita shasha mushure mekunge vambokundwa. Tinoziva kuti kwatiri kuenda naTake Money kune chiedza chakanaka,” anodaro Musonda.

Svondo rino mushure mekunge akundwa mumutambo wake, Take Money akanyora papeji rake reFacebook ndokutenda nyika yese nerutsigiro rwaakawana apo aigadzirira kunosangana naMercado.

“Ndinokutendai mese nerutsigiro rwenyu. Ndaida chaizvo kuunza bhande kumba asi ndakakundikana. Ndakakundirwa pazvibodzwa. Ndinokutendai vakotsveri vese. Nyika yese ndinokutendai nekunditsigira mumweya.

“Ngatirambe takasimudzira morari uye tichitarisira zvikuru,” anodaro Chiwandire.

Share This:

Sponsored Links