Chiwandire otenda President

29 Apr, 2022 - 08:04 0 Views
Chiwandire otenda President PRESIDENT Mnangagwa vaina Kudakwashe “Take Money” Chiwandire negurukota rezvemitambo nevechidiki Dr Kirsty Coventry

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai yeWBC interim title, Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire, anoti anoda kuvakira vabereki vake imba nemari yaakapihwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa svondo rino yekumutenda zvichitevera kuhwina kwaakaita bhande iri apo akakunda Cathrine Phiri wekuZambia nguva pfupi yadarika.

Svondo rino nemusi weMuvhuro, President Mnangagwa vakakorokotedza Take Money zvichitevera kuhwina kwaakaita ndokumupa mari inosvika US$15 000 pamwe nechitsidzo chekuti Hurumende ichamutsigira mugadziriro dzemutambo wake waakatarisana nawo apo achasangana naMariana “La Barbie” Juarez wekuMexico.

Muhurukuro neKwayedza, Take Money anoti anoda kushandisa mari iyi kuvakira vabereki vake imba yekugara senzira yekuvatenda nekumuchengetera kwavanoita vana vake.

“Handisi kugona nekufara kutaura kuno zvichitevera chiremerera chandakawaniswa chekurangarirwa naPresident vedu uye nenyika yese. Sevatambi vemitambo yakasiyana, zvinhu zvatinongoshuvira kuti tirangarirwe nenyika yedu sezvandakaita izvo ndaingoshuvira nguva nenguva.

“Mari yandakapihwa ndinoda kuishandisa kuvakira vabereki vangu imba, ndicho chinhu chekutanga chandinoda kuita zvimwe zvozotevera. Vabereki vangu ndivo vanondichengetera vana vangu pandinenge ndisipo ndafamba kuenda kunotamba tsiva kana kunoita mabasa akasiyana.

“Muhupenyu, zvakakosha kurangarira kwaunobva kana wabudirira saka ini ndinoda kutenda vabereki vangu nekuvavakira pekugara pakanaka,” anodaro Take Money.

Anoti apo ari pakati pekuita gadziriro dzake dzekusangana naJuarez, ari kushanda nesimba sezvo achida kuhwina mutambo uyu kuti asimudzire mureza weZimbabwe zvekare.

“Ndave kutowedzera kushanda nesimba kuti ndihwine mutambo wangu wandakatarisana nawo nekuti ndinoda kusimudzira mureza wenyika yangu. Ndinoda kuhwina mutambo uyu ndirambe ndichisimukira ndigoita mucherechedzo wakanaka kune mamwe madzimai ari mune zvemitambo yakasiyana,vazive kuti vakashanda nesimba vanogona kungobudirira nekurangarirwawo nenyika,” anodaro Chiwandire.

Share This:

Sponsored Links