Chiwandire usavhunduke: Mosquito

13 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Chiwandire usavhunduke: Mosquito Kudakwashe Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wetsiva — Alfonso “Mosquito” Zvenyika — okurudzira Kudakwashe “Take Money” Chiwandire kuti asavhunduke apo ari kuenda kuMexico kunosangana naYamileth Mercado.

Take Money naMercado kana kuti La Yeimi vacharwira bhande rina raMercado reWorld Boxing Council (WBC) Gold svondo rinotevera.

Take Money akakwanisa kuhwina mumutambo uyu, anobva anyora nhoroondo yekuve mutambi wekutanga wetsiva kubva muZimbabwe kuhwina bhande guru reWBC.

Achitaura svondo rino, Mosquito — uyo akambohwina bhande reCommonwealth Light Flyweight Title — anoti mukana wakapihwa Chiwandire wakakosha saka anofanirwa kuubatisisa agosimudzira mureza wenyika.

“Kuna Chiwandire ndinoti mukana wawapihwa uyu mukuru uye ubatisise nekuti unouya kamwe chete muhupenyu hwako.

“Bhande riri kunorwirwa Take Money rakakura uye rine chiremerera zvikuru. Tiri kumutsigira kuti anohwina kunyangwe tichiziva hedu kuti ari kunopinda mumukanwa meshumba (kurwira kumusha kwaMercado) nekuti anenge asina vatsigiri vake ikoko.

“Asi tinoti ngaasatye hake, ngaasavhunduke, iye ngaazive kuti tinenge tinaye mumwoyo tichimutsigira nekuti shuviro yedu ndeyekuti adzoke nebhande iri,” anodaro.

Alfonso “Mosquito” Zvenyika

Mosquito anoti mutambo uyu uchange wakasiyana zvakanyanya newakambotambwa naChiwandire muno apo akakunda Zulina Munoz gore radarika saka anofanirwa kugadzirira zvakasimba kuti apinde mumutambo uyu akagwinya.

“Apa pari kudiwa kuti Chiwandire agadzirire zvakasimba nekuti kuMexico uko kuchange kwakaoma, anenge ari ega asina rutsigiro.

“Ini hangu ndinoshuvira kumuperekedza kunomutsigira mutambo uyu ndichimupa mazano ekuti anokunda sei Mercado nekuti bhande iri tiri kuda riuye muZimbabwe, mureza wenyika yedu wosimukira,” anodaro Mosquito.

Yamileth Mercado

Anoti kana Chiwandire akanokunda kuMexico, zvichabatsira zvikuru kusimudzira mutambo wetsiva munyika pamwe nekupa shungu vanasikana vakawanda kuti vapinde mune zvemitambo, kunyanya tsiva.

“Senyika, ngatibatane tisimudzire mwanasikana wedu zvigobatsira kusimudzira vanasikana vakawanda,” anodaro.

Svondo rino, Take Money akaburitsa vhidhiyo achiita gadziriro dzake apo anoyambira Mercado kuti ari kumuvinga ndokuti mumazuva mashoma achange asisiri shasha yeWBC.

“Mercado Mercado ndiri kukuvinga . . . Iwe ndiwe shasha yekare, ini ndini shasha itsva!” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>