Chokwadi hunhu huri kuenda kupi?

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Chokwadi hunhu huri kuenda kupi?

Kwayedza

VANHU vazhinji vari kushushikana zvikuru nekuda kwekurasa hunhu kuri kuitwa nevamwe kuburikidza nenyaya dzakadai semakunakuna uye kusaremekedza vabereki.

Kune makunakuna ari kuitwa ekuti kana munhu akanzwa nyaya yacho anokahadzika zvikuru.

Semuenzaniso, svondo rapera bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemakunakuna pakati pehanzvadzikomana nehanzvadzisikana vekuGokwe, avo vasiri kumbonyara kuti vanodanana.

Vaviri ava vanotaura pasina kana ganda kumeso kuti vanodanana moto uye ropa ravo rakawirirana.

Maitiro akadai aya anonyadzisa uye haape mucherechedzo wakanaka, zvikuru kune vechidiki nekuti vanofanira kukura vachiziva hunhu hwakanaka.

Svondo rino zvakare bepanhau rino rine nyaya yababa nemwanakomana wavo avo vari kurwira muzukurukadzi wavanodanana naye vose.

Vaviri ava vanonzi havachaonana nekuda kwenyaya iyi.

Uku ndiko kunonzi kushaya hunhu zvachose uye vakuru zvavanoti muzukuru mukadzi hazvireve kuti itobva watomuita mudzimai wako asi kuti muzukuru ane rimwe basa raanotarisirwa kuita achirerutsa ndima maringe nechivanhu.

Madzishe ane basa guru rekuchengetedza tsika nemagariro anokudzwa kuburikidza nekupa mitongo yakaomarara kune vanenge vabatwa nemhosva yekuita makunakuna.

Kunyangwe pasi pemutemo wenyika chaiwo, imhosva kuita makunakuna. Semaonero edu, hatifanire kuneta kuramba tichimhura tsika yemakunakuna nekuti hazvina hunhu.

Svondo rapera zvakare, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe murume wekwaMutare, uyo akamiswa mudare reko akatarisana nemhosva yekushungurudza amai vake achivadzinga pamba.

Murume uyu aidzinga amai vake pamba achiti vanofanirwa kutsvaga mumwe murume anogara navo zvichitevera kufa kwakaita baba vake.

Chirevo chekuti nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwe chakashaya basa kumurume uyu.

Kunyangwe zvazvo dare rakapa mutongo wekuti murume uyu asashungurudze amai vake, akatozvisikira moto muziso.

Anofanira kuripa amai vake nekuti ingozi yaakatozviparira iyi.

Svondo rino zvakare bepanhau rino rine nyaya yemurume anonzi akapwanya laptop yaamai vake mushure mekunge agumbuka achipomera shamwarirume yavo kuti iri kupfimba mudzimai wake.

Murume uyu akamiswa mudare redzimhosva ndokupihwa mutongo wekuti aripire amai vake laptop yavo yaakapwanya.

Hongu, murume uyu anogona kunge akagumbuka pamusoro pezvaanoti zviri kuitwa neshamwarirume yaamai vake, asi kana opinza amai vake munyaya iyi anenge ave kuigochera pahutsi.

Nyaya dzose idzi dzinoratidza kurasa hunhu nekudzikisira chivanhu kuri kuitwa nevamwe vanhu.

Zvakakosha kuchengetedza tsika nemagariro evanhu vatema nekuti izvi ndizvo zvinoumba hunhu hunoyemurika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey