‘Chokwadi ndakairima mbanje’

30 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
‘Chokwadi ndakairima mbanje’ Mbanje

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSeke wekurima mbanje asina mvumo inomutendera kuita izvi sezvinodiwa pasi pemutemo, achange achidya sadza refovhoro ari mujeri kwemwedzi mitanhatu inotevera.

Kudakwashe Hukuimwe (23) wekwaSabhuku Jonga amiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate Courts, VaPrince Hurungudo, avo vamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri.

Vazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika achibva asara nemwedzi mitanhatu izere.

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo vaudza dare kuti nemusi wa6 Kukadzi gore rino, mapurisa epakamba yeZRP Dema akatambira mashoko ekuti Hukuimwe airima mbanje pamba pake vachibva vaenda kunoita ongororo.

Constable Kanidza naConstable Alimu vakaenda vakasvikowana Hukuimwe aine zvirimwa zvinomwe zvembanje mubindu rake zvaive nehurefu hwe1,5m.

Vakazvidzura uye zvaburitswa mudare seumbowo.

Hukuimwe atongwa nemhosva yekurima zvinodhaka (Unlawful Cultivation of Dangerous Drugs (dagga) as Defined in Section 157 (1) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Anobvuma mhosva yake.

“Pandakasvika pamba, ndakanzwa kuti mapurisa ainge asunga amai vangu, zvikandishamisa zvikuru saka pavakanzwa kuti ndadzoka, vakabva vavaregedza ndokusunga ini. Mhosva yangu ndinoibvuma,” anodaro Hukuimwe.

Share This:

Sponsored Links