Uncategorized

Chokwadi rufu ndimaenzanise!

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

RUFU ndimadzongonyodze uye rwunoonza ndangariro. Dzimwe nguva tikaona zvinoitwa pafiwa, zvinoita kunge vanhu vanodada nekufirwa, kunge rugare.

Zvapararira kuti vaive mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai vakatisiya musi wa14 Kukadzi kuchipatara chokuSouth Africa mushure mokunge varwara negomarara kwenguva yakareba.

Asi zvatakaona zvichiitika mumhuri yavo, nemubato reMDC-T mazuva mashoma-shoma VaTsvangirai vasati vatisiya uyewo vashaya zvapa mibvunzo yakawanda.

Mukwende akazvibvunza kuti vanhu tinoziva zvinoreva rufu here, kana kuti tinozongonobata mawoko nokuti itsika yagara iriko?

Chimwewo chakashungurudza Mukwende ndechokuona vanhu vachiita urwere nerufu rwomunhu mukuru aive baba vemhuri, tezvara, sekuru, mukuwasha uye munhu akaimboitawo Prime Minister wenyika ino panguva yeHurumende yemubatanidzwa, kunge chinhu chokurwisana nacho, uyewo mukana wokuti ane masimba ndiani.

Hongu vechidiki vanoti “walala, wasara”, asi sei kachirwere aka kachibuda panoshaya vanhu vatinofunga kuti ndivo vakabata mwenje wokuratidza kuti kutonga nyika kunoitwa sei? Kutonga nyika nokutonga mumhuri zvakasiyana here? Kune masimba akawanda ndokupi?

Zvinoreva here kuti kana pasvika parufu, zvinotaurwa zviye kuti rufu ndimaenzainise ndezvochokwadi?

Sei zvichidarowo kuti panoshaya munhu anofungirwa kuti ane pfuma, hama dzake panze pokuchema muchakabvu, vanoita basa rokuteya kuti vachatora zvipi nezvipi?

Ukuwo mubato reMDC-T vatungamiri vasara vakabatirana makano vachirwira chigaro chaVaTsvangirai? Pamusana pei?

Inyaya here yokuti kunyange tichiziva kuti chinhu chinonzi rufu hapana munhu angachitiza, tinotadza kungosanogadzirira tichiita zvakafanana nokugadzirira kuti nhaka yedu ichagovewa sei zviri pamutemo?

Chakashamisa vanhu ndechokuti kunyange zvazvo VaTsvangirai vaigaroenda kuSouth Africa kunorapwa, pamusana pei kuti mashoko akatanga kungowanda-wanda pavakaenda kokupedzisira, vanhu vachiita makwikwi okutaura kuti VaTsvangirai vati zvakati nezvokuti?

Chii chaiitika kuchipatara kuSouth Africa chakapa hana dzavanhu kungokwakuka-kwakuka kunge matatya, vachitadza kugadzikana kuti murwere arapwe zvakanaka?

Izvi zvinosanganisira vamwe vomumhuri yaVaTsvangirai. Kwaive kutya here? Ko inga wani zvinonzi chipatara chacho ndechepamusoro-soro? Chipatara chaingobvumidza vanhu kuti vanoona murwere pavanodira vobudamo vachiti ndini ndaitwa ngana; mumwewo obuda achiti ndini chaiye ari pamwoyo pavo, saka vati ndichatora chigaro chavo.

Akange angove manyama amire nerongo nokuti chakapedzisira chavepo ndechokuti vanhu vakange vave kumirira kuti mapepanhau ari kuti chii nhasi, vamwewo vachitevera zviri kutaurwa pa”social media”, kunze kwokuziva kuti utano hwomurwere humire sei.

Zvainge vanhu vari kuona mutambo wenhabvu vachipemberera nokufara, asi vachiziva kuti mhedzisiro ndeyokuti pane imwe timu ichadyiwa bedzi, zvoshaisa mufaro kuvanhu vambotanga vachifara.

Mheno, maonero akasiyana.

Vamwewo vanopa pfungwa yokuti vazhinji vedu tinorarama upenyu hwourombo, mutemo kuvepo kana kusavepo, hama dzomuchakabvu dzinototi tazviwanira pano. Ndosaka vanhu vachizoendesana kumatare.

Bongozozo range ragara ririmo mubato reMDC-T kunyange zvazvo vaTsvangirai vairamba, vachiti vakananga “democracy”, ndosaka nhaka yakagarwa naNelson Chamisa mutumbi wavo usati wambounzwa munyika.

Hurumende ichimhanyidzana kuona kuti varongedzwa zvine chiremera, vatevedzeri vavo, kunyanya vane zvigaro zvapamusoro, vakange vachabatana pahuro nenyaya yechigaro chaVaTsvangirai. Zvaiita kunge vanonokerwa.

Hapana angazviramba kuti VaTsvangirai vakachemwa, asi zvakazoiitika kumusha kwavo kuHumanikwa, kuBuhera, ndozvakazopa vanhu chokwadi chokuti kuenda kwaVaTsvangirai kwange kwanonokera vamwe vavo, uyewo kuti mariro aya akange asiri okuchema mushakabvu, asi kuti ndiani achave panyanga.

Kurwiswa kwakaitwa mutevedzeri wavo Dr Thokozani Khupe, VaDouglas Mwonzora nevamwe, vakapotsa vapisirwa mumba nemhomho yevechidiki kwakaratidza kuti pane zvizhinji zvange zvakapfimbikwa.

Ndosaka Mukwende achiti ndezvokunyepa zviya kuti “chakafukidza dzimba matenga”.

Parufu ndipo paunoona hapwa dzese dzichifugurwa, wonzwa zvaunonzwa. Vanhu vane chokwadi kuti vangade kupisira vamwe vavo mumba, mushure mezvo, voti ndivana ngana? MDC haina kuzvarwa nezuro zvokuti vanhu vanokanganwa kuti inoshanduka kunge rwavhi pese pese. Taguta nazvo kubvirira 1999.

Ko imi vemhuri, ndezvechokwadi here kuti makarambidza mudzimai waVaTsvngirai, Amai Elizabeth Macheka Tsvangirai kunoona murume wavo kuchipatara, kusvika vadzoka kuno kumusha?

Ndezvechokwadiwo here kuti Amai Tsvangirai vaiitwa somuenzi mumba mavo kuHighlands? Hazvinei kuti muchakabvu aive nedzimba ngani, asi muno muHarare mariro akange ari kuHighlands, asi takazviona kuti Mai Tsvangirai vaingoitawo sokunge mumwe wamadzimai auya kuzobata mawoko.

Zvinonzi zvakare makavarambidza kuve pavanhu vakaenda nomutumbi womurume wavo nechikopokopo cheHurumende, vakazotevera nehama dzavo nemotokari.

Zvonziwo zvakare hamuna kupa vemhuri yavo mukana wokutaura, kana ivo kuti vatsanangure urwere hwemurume wavo. Zvikanzizve makavati vadzokere kuHarare murume wavo achangochengetwa.

Mashura padunhu aya. Vamwe vari kusvora kuti Elizabeth, anove munhu aizivikanwa kuti ndiye mudzimai waVaTsvangirai mushure mokushaya kwomudzimai wavo Susan, angabatwe nokuseri kworuwoko kudaro?

Hapana masahwira, vana sekuru, madzitete vaigona kuita vana mutongi gava here panze pokuyanika tsvina yese iyi pachena mutumbi womuchakabvu usati watomboputika?

Hamaigonawo kumirira moita matare enyu vanhu vaparara, panze pokuyanika kuti zvionekwe kuti musha mumwe nemumwe une zvawo?

Haisati yapera. Handiti tasvika panyaya yenhaka, ukuwo mukoti aichengeta VaTsvangirai kuchipatara kuSouth Africa achinzi akawanikwa akafa.

Vakaimba vakati, “Kumagumo kune nyaya”. Musafunge kuti kambo kakaimbwa kuZanu-PF chete, asi kuti kambo kane dzidziso.

China manenji hachifambisi!

Share This:

Sponsored Links