Uncategorized

Cholera: Vanhu 30 vafa

18 Sep, 2018 - 19:09 0 Views
Cholera: Vanhu 30 vafa Dr Obadiah Moyo

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HUWANDU hwevanhu vafa nechirwere checholera hwakwira kubva pa28 kuenda pa30 panguva iyo Hurumende, kanzuru yeHarare, mapurisa eZimbabwe Republic Police nemamwe mapoka akasiyana vari mushishi kurwisa kupararira kwedenda iri.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanotsinhira nezvekukwira hwehuwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi vachiti kusvika pari zvino, vanhu 5 463 vabatwa necholera uye vari kurapwa.

“Huwandu hwevanhu vafa necholera hwasvika pa30 zvichitevera kufa kwevamwe vanhu vaviri. Matanho akasimba ari kutorwa mukurwisa kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Sedanho rayo rekubatsira kurwisa cholera, kambani huru pakudhinda nekutepfenyura nhau munyika, yeZimpapers Group, yakatovamba zvirongwa zvinobatsira nekupa veruzhinji ruzivo nechenjedzo yechirwere ichi.

Zvizhinji pamusoro pecholera onai bepanhau reKwayedza.

Share This:

Sponsored Links