Uncategorized

Cholera: Voponera kwaMukuvisi

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Cholera: Voponera kwaMukuvisi Vamwe vevanhu vaiwatya hembe murwizi rwaMukuvisi — Mifananidzo naTariro Kamangira.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

APO Hurumende nemamwe masangano vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka checholera, kune vamwe vanhu vari kuisa utano hwavo panjodzi kuburikidza nekuwachira nhumbi nemimwe midziyo munzizi dzine mvura ine tsvina semunaMukuvisi, muHarare.

Vamwe vanoti vanoshandisa mvura iyi nechikonzero chekuti yekanzuru haibude mumapombi nguva dzose, uye inobhadharwa.

Kwayedza svondo rapera yakatevedza rwizi rwaMukuvisi kubva kumakambani eNew Ardbennie kunosvika kuMbudzi nekuGlen Norah, uko vanhu vakawanda vakawanikwa vachishandisa mvura yemurwizi urwu.

Tsvina inobva mumakambani akasiyana inorasirwa munaMukuvisi izvo zvinoita kuti mvura yacho ive netsvina yakanyanya zvekusakodzera kushandiswa nevanhu.

Pazambuko rerwizi urwu mugwagwa unobva kuChitungwiza uchienda kwaMachipisa nekuGlen Norah, vanhu vakawanikwa vakaita rundaza vachiwacha nhumbi, nemapurasitiki ekuzotengesa anenge anhongwa.

Fortunate Kaungwa achitaridzwa mapurasitiki aanowatya murwizi rwaMukuvisi

Fortunate Kaungwa (28) anogara kuHopley, uyo anorarama nekunhonga mapurasitiki nezvigubhu achizvigeza nekuzozvitengesa, mumwe wevanhu vaishandisa mvura yemunaMukuvisi kushambidza zvinhu.

“Ndinoenda kuChitungwiza dumpsite uko ndinononhonga zvigudhu nemapurasitiki, ndozvigeza mumvura yemunaMukuvisi iyoyi yemahara, ndonoatengesa. Ndiko kurarama kwangu,” anodaro Kaungwa.

Anoti akada kutarisa zvekuti anogona kubatira zvirwere, mhuri yake inofa nenzara vana votadza kuenda kuchikoro.

“Mumvura iyi mune zvirwere ndinozviziva, yakasviba zvikuru uye inonhuhwa. Tinogeza nayo asi hapana zvekuita. Vakawanda vedu pano vanobatwa nemanyoka, kuita maronda tapindwa nenyongorosi nekumera mazimhezi nerashi muviri.

“Ichokwadi, cholera inogona kutibata asi panoti muromo unoda kudya apa ndipo panotiparira,” anodaro.

Anoti vanotengesa zvigubhu nemapurasitiki zvavanenge vageza izvi kuSoutherton.

“Pazuva ndinokwanisa kunhonga mapepa anokwana 90kgs uye kg imwe chete inotengwa ne$0,40c kana $0,50c zvichisiyana nekusimba nekukosha kwemapepa acho nekudaro handizoshaya mari yekudya nekuendesa vana kuchikoro.”

Achibvunzwa kuti kuChitungwiza dumpsite kwavanoenda hakugumisire here kwaita kuti vabate zvirwere zvemanyoka secholera, Kaungwa anoti basa ravo harina kusiyana nemauto anoziva kuti ari kuenda kuhondo asi havadududze sezvo vachiziva kuti vari kudzivirira nyika yavo.

Fortunate Kaungwa

Anoti kuzvidzivirira kwavo kuri pakugeza nekuwacha mbatya dzavanenge vakapfeka nesipo.

“Ndapedza kuwacha mapepa aya, ndinonoatengesa kumakambani. Mari kana tave kutenga nayo muzvitoro umu dai yaitaura, vanhu vaitiza nezvaibuda pamatsvagirwo ayo, “ anodaro.

Murwizi rwaMukuvisi munowachira vanhu vakawanda vanobva mumisha inosanganisira Glen Norah, Highfield, Waterfalls, Hopley, Mbare nevamwe vemudzimba dzemumaindasitiri paMbudzi avo vazhinji vacho vakaramba kutaura neKwayedza.

“Ehe tinowachira mumvura iyi, hatina mamwe maitiro nekuti kudzimba kwedu mvura haibude mumapombi. Saka tinotogumisira tauya kurwizi nekuti hatigone kugara tichinhuhwa netsvina ,” anodaro mumwe mudzimai.

Share This:

Sponsored Links