Cholera yava muHarare: Kanzuru

29 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Cholera yava muHarare: Kanzuru Dr Michael Vere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU 12 vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere checholera uye mumwe chete anofungidzirwawo kuti akafa nekuda kwedenda iri nemusi wa26 mwedzi uno.

Izvi zvinobva paongororo inoitwa nebazi rezveutano nekurerwa pazuva roga-roga.

Pavanhu 12 ava, 11 vagari vemumusha weBudiriro, muguta reHarare, mumwe wacho ari wekwaMutasa, kuManicaland.

Kusvika pari zvino, Zimbabwe yawana nyaya 555 dzevanhu vanofungirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi apo 115 dzakatotsinhirwa kuburikidza nekuvhenekwa nenyanzvi dzezveutano.

Nerimwe divi, kusvika pari zvino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinotsinhira kuti vanhu vana (4) vafa necholera munyika yose.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare neChina, Dr Michael Vere vanova Harare City Epidemiologist, vanoti mumasvondo mashoma anotevera, veruzhinji vanotarisirwa kubaiwa nhomba dzekudzivirira cholera.

“Zvinorwadza kuti chirwere ichi chatanga panguva iyo nyika yatarisana nekuvhurwa kwezvikoro. Kubaiwa kwenhomba ndiyo nzira huru yekudzivirira kupararira kwacho.

“Veruzhinji vanofanira kuwana mvura yakakwana uye yakachena. Takatovharisa zvimwe zvibhorani zvaishandiswa nevanhu kuBudiriro, Glen View neGlen Norah mushure mekunyuka kwedenda iri,” vanodaro Dr Vere.

Vanoti veruzhinji vanofunga kuti mvura dzemuzvibhorani dzakanaka, asi pamwe pacho dzinenge dziine hutachiona hunokonzera cholera zvichitevera kusvibiswa kunoitwa pasi nesuweji, pakati pezvimwe.

“Hurumende nemakanzuru edu vari kushanda nesimba mukurwisa dambudziko recholera kuitira kuti tisadzokera pagore ra2008 apo vanhu vakawanda vakafa nekuda kwechirwere ichi. Chirwere ichi chinokonzerwa kuhuchapa, kushaikwa kwemvura yakachena, kunyanya kuungana kwevanhu mukugarisana kwavo, kusagadzirwa kwepombi dzesuweji, kuitira tsvina pese-pese uye nevezvimwe zvitendero zvinorambidza kurapwa muzvipatara,” vanodaro.

Dr Vere vanoti cholera inouya nezviratidzo zvakadai sekuita manyoka akacheneruka semvura yanyikwa mupunga, kurutsa nekupera simba muviri uchiita chiveve.

“Kana mukaona zviratidzo zvakadai, mhanyai nemurwere kuchipatara achitora mvura yemunyu neshuga nekuti chirwere ichi chinouraya mukati menguva diki,” vanodaro Dr Vere.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasaungane panhamo dzevanhu vanofungirwa kuti vafa necholera sezvo zvichipa mikana yekutapurirana.

“Ndufu dzese dzinofungirwa kuva dzechirwere checholera dzinofanira kuongororwa neveutano,” vanodaro.

VaPrecious Shumba, vanova director weHarare Residents Trust, vanoti dambudziko remvura nesuweji rinofanira kugadziriswa kuti nyika ikunde mukurwisa cholera.

VaPrecious Shumba

“Hongu, vanhu vangabaiwa nhomba, asi vanogona kubatwa zvekare nechirwere ichi kana suweji nedambudziko remvura zvisina kugadziriswa. Veruzhinji ngavawaniswe ruzivo maringe nehutsanana, mishonga yekuchenesa mvura kuti tikunde hondo iyi.

“Cholera inokonzerwa nekudya chikafu kana kunwa mvura ine tsvina yevanhu inowanikwa musuweji kana kuti mukusashandisa zvakanaka zvimbuzi munhu odya asina kugeza maoko,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links