Choto otaura nezveFIFA ‘ban’

07 Jun, 2022 - 10:06 0 Views
Choto otaura  nezveFIFA ‘ban’ Dickson Choto

Kwayedza

 Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu — Dickson Choto — anoti nyaya yezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA pamwe neCAF zvekuti isakwikwidze mumitambo mikuru inofanirwa kugadziriswa nekukasika sezvo yadzosera kumashure zvakanyanya budiriro yemutambo uyu, zvikuru remangwana revechidiki.

Zvichitevera kuburitswa kwakaitwa chikwata chenyika chemaWarriors mumakwikwi ekurwira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations 2023 uyo uchatambirwa kuIvory Coast, Choto anoti izvi zvinokanganisa kusimukira kwenhabvu sezvo shuviro yemutambi wese kutambira nyika yake.

Choto aive muchikwata chekutanga chemaWarriors chakakwikwidza kumutambo weAFCON mugore ra2004.

Anoti danho iri richaita kuti zvikwata zvemuno zvisawane mari iyo zvaisiwana kuburikidza nekutengesa vatambi kunze kwenyika sezvo zvimwe zvezvirango izvi zvichaona Zimbabwe ichitadza kudyidzana nezvikwata zvekunze.

“Remangwana renhabvu yedu, kunyanya vechidiki, rakanganiswa zvikuru nezvirango zvatakatemerwa neFIFA neCAF nekuti mutambi wese wenhabvu shuviro yake kuzotambira nyika yake. Manje apa nyika kana isisachatenderwe kutamba mumitambo mukuru yakadai zvadzosera zvinhu zvose kumashure.

“Zvirango izvi hazvina kutombomira zvakanaka nekuti zvikwata zvemuno hazvichakwanise kutengesa vatambi vazvo kunze kwenyika. Mari yekunze iyo vaifanirwa kuwana vatengesa vatambi haichauye izvo zvave kudzorera vatambi vedu venhabvu kumashure.

“Saka nyaya iyi tokumbira ngaigadziriswe nekuchimbidza, nhabvu yedu isimukire ienderere mberi,” anodaro Choto.

Anoti nerimwe divi, zvirango izvi zvinogona kutuma vatambi vari kunze kwenyika avo vaida kuzotambira maWarriors kuti vawore mwoyo nekuda kwekusarongeka kwenhabvu yemuZimbabwe.

“Danho iri rave kutidzingira vatambi venhabvu vakawanda vepamusoro, vamwe vakakurira kunze kwenyika. Hakuna mutambi angade kuuya kuzotamba paanoona kuti hapana kurongeka,” anodaro.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango neFIFA uye neCAF zvekuti isakwikwidze mumitambo mikuru zvichitevera danho rakatorwa nesangano rinoona nezvemitambo reSports and Recreation Commission (SRC) rekumisa basa bhodhi reZifa iro raitungamirirwa naFelton Kamambo vachipomerwa kutadza kuita basa ravo nemazvo.

Choto mumwe wevatambi venhabvu vakatambira kuEurope kwenguva refu izvo zvakamuona achitambira kunyika yePoland kwemakore anodarika 10 apo akatambira zvikwata zvakadai seGornick Zabrze, Pogon Szczecin neLegia Warsaw.

Anoti vatambi vemazuvaano vanofanirwa kuzvipira mubasa ravo voshanda nesimba zvakanyanya kana vachida kusvika padanho seraakasvika iye.

“Basa redu iri rinoda kuti munhu ashande nesimba azvipire uye agone kuzvibata. Ndizvo zvega zvinongodiwa kana uchida kubudirira.

“Ngakagara makore akawanda ndiri kuPoland kuburikidza nekushanda nesimba uye ndaiziva zvandaida muhupenyu.

Kurudziro yangu kune vechidiki ndeyekuti shandai nesimba muzive zvinangwa zvenyu muhupenyu, munosvika kure mumutambo uyu kana makazvipira chete,” anodaro Choto.

Kubva asendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu, Choto ave kuita basa rekurairidza vechidiki kuchikwata chake cheDC Academy.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>