Chuma, mukanda nenyaya dzerudo

22 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Chuma, mukanda nenyaya dzerudo Kukosha kwechuma murudo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PASICHIGARE, chuma chaitungwa chichipfekwa nevasikana, madzimai uye nechembere.

Hachaingopfekwa, asi kuti waitova mucherechedzo kana kuti chirezvo.

Kare ikako zvekare, chuma chinonzi chaishandiswawo sezvinoita mari apo chaichinjaniswa nezvinhu zvakaita semachira nezvimwe zviwanikwa zvaibviwa nazvo kure sekunyika dziri mhiri kwemakugwa.

Kana kuri kuvanhurume, chuma chine zvachakagara chichipfekerwa, kunyanya nevaya vanosvikirwa nemidzimu kana vanoitawo chimwe chivanhu sehun’anga.

Kana nanhasi uno, chuma chiri kungoramba zviine mukurumbira zvisinei nekuti vamwe vanochitarisa neziso rakatsveyama – rekuchishoropodza.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro pechuma ndokuita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana.

Mbuya Agnes Makokotela, avo vanova chizvarwa chekuMalawi asi vachidzidzisa vanhukadzi chinamwari muHarare, vanoti chuma chakakosha zvakanyanya kumadzimai nevanasikana.

Mbuya Agnes Makokotela vachitaridza chuma

“Ini ndinofundisa madzimai nevasikana vabva zera tsika yechinamwari. Varume hazviite kuti ndivafundise sezvo ndiri munhukadzi.

“Murume wangu paainge achiri mupenyu, ndiye aifundisa vanhurume. Tinofundisa izvi kwete nekuti takazviendera kuchikoro, asi nekuti ndiyo tsika yatakakura nayo kusvika tiroorane uye inobatsira mukumisa rudo mumba.

“Chuma chinodiwa, kwete chimwe chete, asi chinototungwa chakawanda wochipfeka muhuro, muchiuno kana muruwoko.

Chuma chakakosha nekuti kana ukagumha baba nacho panguva yekusasana, vanotirimuka. Chinoshanda mukutandadzana.

“Chuma hachifanire kupfekerwa murume wose-wose, chinoyera. Chinobatwa nemurume mumwe chete,” vanodaro.
Mbuya Makokotela vanoti vamwe vanotopfeka zvuma zvinosvika zana kana kudarika.

“Panguva yekufara, chuma chichifambirana nezvidavado, chichirira kuita kamwe korasi kanofadza vaviri kuti vasatombofunga kuti munyika mavari kurarama mune vamwe vanhu. Vanhu vanofanira kukanganwa dzimwe nhamo dzose dzemunyika.

“Chuma chinokosheswa uye hachikwereteswe, chinotofanira kugara mugaba mubhedhuru machinoshanda.

“Zvisinei, mazuva ano tave kungoona vamwe vanhu vari kufamba nacho vachitoratidzira kunyika kuti ndozvatiri, kunova kufumuka.”

Zvuma zvishongo

Mbuya Makokotela vanoti kana mudzimai achinge ashaya, chuma chake chinotobvunzwa nevehukama vekwake, chogovewa kumunin’ina kana mukoma wake senhaka, asi vamwe vanongochikanda muguva kuti mufi aende nezvinhu zvake.

“Kana chuma chikashaikwa apo mudzimai anenge afa, murume anotoripiswa nekuti zvinenge zvichiratidza kuti akatoshinha nemamwe madzimai mukadzi wake asati afa.

“Panotoripwa mombe chaiyo inotsika nenhau yechuma nekuti kurudzi rwedu chinokosheswa zvikuru, ndosaka ndichiti chuma mudziyo unotochengeterwa mubhedhuru kureva kuti muimba yemukati hamupindwe nemunhu wose-wose,” vanodaro.

Sekuru Peter Maponda vekuChipinge vanove murapi wechivanhu vanopindawo munyaya iyi vachiti chuma chinoshandiswa nezvinangwa zvakawanda.

“Isu tinobudirwa nemidzimu tinoshandisa chuma chine ruvara rwutema nerwuchena. Hatishandise chitsvuku nekuti chine mucherechedzo weropa. Ini ndinosvikirwa naambuya avo vane shavi renjuzu, saka chuma chitsvuku handishandise, ndinosevenzesa chichena nechitema nemachira eblue.

“Chuma ichi ndinochipfeka muhuro pandinenge ndichiita mabasa angu ekushopera. Handifambe nacho munyika kune veruzhinji, asi chinotogara muimba yandinoitira matare angu.

“Kune chimwe chuma chemucheno, vanhu vanopfekawo pavanodira asi zvichifambirana neruvara rwezvipfeko chavanenge vainacho. Kozoti madzimai anopfekawo chuma muchiuno vachiitawo seshato inokwezva vanababa panguva yekufara,” vanodaro.

Mbuya Simbisai Magora vekuChitungwiza vanoti chuma chishongo chakakosha zvikuru kumadzimai.

Mbuya Magora vachitaridza zvuma zvavo zvemudzimu

“Kubvira pasichigare, madzimai nechembere vaitotunga chuma vachitengesa pamwe nekusimira. Chimwe chuma chinoiswa panguwani, panguwo uye vamwe vanoita zvemitambo yemadhirama, kudetemba nepakuimba apo vanochipfeka vachitaridzira tsika dzekwavo kuti izvi ndozvatinopfeka.

“Vanosvikirwa nemudzimu vanoshandisa chuma chichena necheblue kana chakasangana nechitema uye vazhinji vanotozviziva kuti munhu uyu anoita nezvei,” vanodaro.

Mai Dorothy Siyani vekuDzivarasekwa, muHarare, avo vanova chizvarwa chekuMalawi, vanokurudzira madzimai kuti apfeke chuma kana vachitenderana nevarume vavo.

“Kune vamwe varume vasingade chuma, saka kana ukangomupfekera zvisiri zvekurudzi rwekwake munogona kuburana nekudaro zvinoda kuti mumwe wako ange achizvifarira nekuziva kukosha kwechuma.

“Chuma hachifanire kudambuka panguva yekusanana nekuti zvinenge zvichitoratidza kuti wanano iyoyo inogona kuparara pane ipi zvayo nguva. Chuma chinogona kuchengeterwa mugaba rine mafuta kana muchinu kuitira kuti chigare chichinyiminya nemafuta nekutsvedzverera. Mafuta iwayo anoshandiswa zvekare kuzora sikarudzi,” vanodaro.

Tonderai Munandi anogara kuMt Pleasant muHarare anoti anofarira chuma nekuchikoshesa sezvo zviine chinangwa chekusimbisa wanano.

“Hakuna murume anofanira kurovera mudzimai kuti apfeka chuma nekuti tava kurarama upenyu huzere neruzivo pose-pose.

Vanhu vanowana ruzivo kushamwari, vanatete nepamasaisai saka chinamwari chakakosha mukuchengetedza dzimba.

“Zvamunoona, vanhu vanofunga kuti wanano inosimbiswa nemari kana humwe upfumi asi tiri kuona wani varume vane mazimota vachinokotama vachipinda muzvitangwena nemimwe misha ichakasarira nekuti kune vakaturenwa nezverudo.

“Madzimai nevanasikana vekunzvimbo dzichiri kudzidziswa vanhu chinamwari sekuChiredzi, kuChipinge, kuBinga nekumwe wanano dzavo dziri kuramba dzakasimba nekuda kwekupanana rudo rwakadzika,” anodaro.

Asi, VaKenneth Bhero (35) vekwaMurehwa vanopikisana netsika yechinamwari vachiti inogona kupedzisira yorunzira vamwe vakadzi kuita hunzenza.

“Mudzimai akadzidziswa chinamwari idambudziko chairo nekuti anogona kutorwa nevamwe varume. Chinamwari chinofanira kufambirana nedzidzo kwete kuti mudzimai angova shasha yebonde chete.

“Zvekare chimwe chuma chine hushereketwa mukati, unoti wangosasana nemunhu anacho hauchakwanisa kusasana kana nemumwe mudzimai saka chimwe chinogona kufambirana nerukawo chairwo.

“Kazhinji tinomboona zvikwambo, kamba nezvimwe zvine chekuita nemabasa akaipa zvakaputirwa nechuma saka hauzoziva kuti zvitsvene ndezvipi,” vanodaro.

Bridget Mudota, uyo anoita basa rekutunga chuma achitengesa, anoti chiri kutengwa nevagari vemuno nevekune dzimwe nyika zvichienderana nezvavanenge vachida kuchishandisa.

“Vamwe vanoisa chuma kana mukanda panzeve, paguvhu, pambatya, muchiuno, muhuro nepamwe. Chuma chinoshandiswa sezvishongo zvinobatsira mukuvandudza runako uye varume nemadzimai vanochishandisa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links