‘Church elder’  vanogara nenyoka 2

18 Jan, 2023 - 18:01 0 Views
‘Church elder’  vanogara nenyoka 2 Elder Obert Moyo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuSunningdale muguta reHarare – asi kumusha achibva kuGokwe, anova mukuru weimwe chechi – ari kubuda pachena kuti ane nyoka mbiri dzamunetsa idzo dzaanogara nadzo kumba kwake.

Elder Obert Moyo (80) vechechi yeAfrican Apostolic Church Faith Ministries vanonzi vakatorwa nemudzimai wavo nevana vavo vaviri – musikana nemukomana – vakaendwa navo kune imwe n’anga muguta reHarare uko vakanoreurura nyaya iyi.

Mudzimai wemurume uyu pamwe chete nevana vake, avo vasina kuda kuburitswa mazita avo, vanoti nyaya iyi yakatanga pakashaika mumwe mwanakomana wemhuri iyi aiva kunyika yeSouth Africa mugore ra2012.

“Nababa takaroorana tikaita vana vedu vana (4) asi mumwe chete akazofa. Panhamo pake takashaya mbatya dzemwana uyu ndokufamba tikataurirwa kuti ndibaba vainge vadzitora kusvikira baba vakazobvuma kuti vakadzitora kunodzishandisa mukushereketa kwavo mushure mekunge tava kuda kuenda kumapurisa.

“Mukufamba, ndipo pakazobuda kuti baba vane nyoka dzavo mbiri nemimwe mishonga zvikatishamisa kuti mukuru wechechi angadaro here,” vanodaro Mai Moyo.

Vanoti vakatotiza kumba kuSunningdale nekuda kwemasaramusi anoitikako.

“Pamba hapagarike, tikasvikapo hatigone kurara tichingoona zvinhu uyewo tose tinobva tatanga kurwara. Baba takavabvunza vakati vane nyoka dzavo mbiri dzinogara pasi pemubhedha nemuwasheni basket.

“Dzimwe nguva vanoti dzinogara mumabhegi nekudaro ini ndakatiza pamba ndikaenda kunogara kumusha kwangu kuChiweshe. Vana vari kugara kwakasiyana muno muHarare,” vanodaro Mai Moyo.

Mwana wavo mukomana akaramba kutaura zvakawanda.

“Taurai naivo baba, ndivo vanoziva nyaya dzavo nekuti vari kuzvitaurira voga. Mushure mekunge vabuda pachena kuti vane nyoka dzavo, takatsvagawo kwakawanda tichida kuti dzibviswe kusanganisira kumaporofita nekudzin’anga asi zvichiramba. Izvozvi tanzi nyoka idzi dzichanobviswa nhasi ivo baba vabvuma kuti tiende navo dzinobviswa,” anodaro mukomana uyu.

Mwana musikana akaramba zvachose kutaura nemutori wenhau uno achiti munhu akaroorwa zvaizomukanganisa imba yake nemurume.

“Taurai naamai nababa nemukomana uyu hanzvadzi yangu kwete ini. Sezvamunoona, baba vari kubvuma kuti vane nyoka dzavo, ko isu tingazvirambe sei? Hativarambe, ndibaba vedu tinoda kuti zvavainazvo zvibviswe chete,” anodaro musikana uyu.

Nyoka mbiri

Elder Moyo vanotsinhira kuti vane nyoka kumba kwavo.

“Nyoka iriko asi handizive kuti iri pai chaipo, ndinoda kuti ibviswe. Handirambe kuti ndinayo asi kuti ndakaiwana sei handichaziva sezvo ndisina kumbobvira ndakabata mushonga, pamwe zvinongouya,” vanodaro Elder Moyo.

Vanoti zvakatanga pakashaika mwana wavo mukomana mugore ra2012 apo mbatya dzake dzakazoshaika.

“Mwana wangu akafa ndiJoseph Moyo, bhegi rembatya dzake rikashaika uye handizive kuti ini ndakaritorawo sei, zvinonetsa. Mhuri yakazotanga kufamba uye kwese kwavanoenda vanobata ini,” vanodaro Elder Moyo.

Elder Moyo vakatsengatsenga mukanwa kuti zvinhu izvi vakazviwana kupi uyewo sei.

Dzimwe nguva vaimbobvuma kuti vane nyoka idzi asi vozogumisirawo vava kutaura kuti havazive kuti vakadzitora kupi uye nekuti dzinogara papi.

“Nyoka ndinadzo asi handizive kuti ndakadziwana sei, ndinoda kuti dzibviswe. Ndinoda kuwirirana nemudzimai nevana vangu, kune vanoda kundibatsira vanoridza nhare panhamba dzangu dzinoti 0775 490 154,” vanodaro Elder Moyo.

Imwe n’anga yemuHarare, Sekuru Tasvu, vanoti: “Tinogara tichitaura kuti kumachechi uku vanhu vazhinji vakaromba, chionai zvava kuvanetsa inyaya dzekubata-bata kuda kutsvaga hukuru muchechi nezvimwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>