Uncategorized

CID pfacha aine nyanga dzenzou

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
CID pfacha aine nyanga dzenzou Portia Chinho

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chematikitivha emapurisa eCriminal Investigations Department (CID) nguva yadarika chakasunga murume wechidiki wekuHurungwe uyo anonzi akawanikwa aine nyanga dzenzou mbiri idzo aitengesa.

Tendai Reason Jumbarukuru (18) wemubhuku raMusokeri, kwaMambo Kazangarare, akasungwa nemhosva yekutyora mutemo weSection 128 Parks and Wildlife Act Chapter 20:14 mushure mekuwanikwa aine nyanga dzenzou zvisiri pamutemo.

Mutauriri wemapurisa eCID, Detective Inspector Portia Chinho, vanotsinhira nezvekusungwa kwemurume uyu.

“Matikitivha edu ekuChirundu akawana runyerekupe rwaiti kune murume wekuHurungwe aitengesa nyanga dzenzou. Mapurisa edu akatorana nenyanzvi dzeZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority pamwe neveboka reInternational Anti-Poaching Foundation ndokunoronda murume uyu apo vakanomurindira panzvimbo yemabhizimisi yeDete, uko vakakwanisa kumusunga,” vanodaro.

Detective Insp Chinho vanoti murume uyu anonzi akawanikwa aine nyanga dzenzou mbiri dzakareba 87 cm ne78,5 cm idzo dzinorema 8,855 kgs uye dzichikosha US$2 213.

Mukuferefetwa kwakaitwa nemapurisa, zvakaonekwa kuti nyanga idzi dzaiva dzabviswa panzou yakauraiwa kunzvimbo yeDande Safari.

“Isu tinotenda veruzhinji nemasangano akazvimirira nekuzvipira kwavo kuramba vachitsigira nekurwisana nekuparwa kwemhosva dzekuuraiwa kwemhuka zviri kunze kwemutemo,” vanodaro Detective Insp Chinho.

Vari kukurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kuzivisa mapurisa ari pedyo navo kana vangoona zvinhu zvavanofungira kuti zvinofambidzana nekuuraiwa kwemhuka dzesango zvisiri pamutemo.

 

Share This:

Sponsored Links