Cindy anonhonga vhunze nemuromo

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa musoro webhuku nenyaya.

Maggie anonhonga vhunze nemuromo paanosvika muimba yekutandarira achisimudza Mbuya Haruna kuti vagare mumasofa mavairambidzwa naCindy achiti vaizadza fodya yebute.

Pasina nguva anobva ashevedzwa naCindy muimba yekurara maaive ndokusvika achipopoterwa achinzi akapusa chaizvo uye azive kuti haasi amai vemba.

Tinozoona Maggie ave kuchema. Cindy anobva ati regai acheme ndamugadza mbama yegudo nemuromo.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naRuvengo kuti motokari yake yapera mafuta ari paRoadport.

Anomupopotera achiti murume zvake asi dai aive pedyo naye aida kumupfekedza marokwe.

Anomusvotesa chaizvo asati adimbura nhare yake.

Regina anoshamisika kunzwa Cindy achinhongera murume wake vhunze nemuromo zvakadaro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanopopotera Maggie achiti haachengeteki, uye zimwana rausina kugomera rinotambudza kurera.

Cindy anoti haambofa akavimba naMaggie zvachose uye ngaasamunetse sezvo mai vake vakatoora karekare.

Kumbie anonhonga vhunze nemuromo paanoenda muimba yekubikira ndokusvika achinhonga keke raive risina kunyorwa ndokutanga kudya.

Keke raanonhonga iri rimwe reakanga arungwa mushonga unokuvadza naLaiza.

Keke iri rinoita kuti atange kurwadziwa nemudumbu zvikuru zvinove zvinoita kuti azotakurwa neamburenzi achiendeswa kuchipatara.

Laiza anonhonga vhunze nemuromo paanopa Cindy keke rine mushonga wemakonzo kuti azope vamwene vake, VaHaruna asi tsoro yacho inobva yaramba kubudirira zvinoita kuti izobude pachena. Laiza anobva afumurwa maitiro ake aya kuvanhu vese naCindy zvinomusiya ave kumapurisa.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoedza kupa mapurisa mari yechiokomuhomwe achida kuedza kuti nyaya yake yekurova Regina nekuda kuuraya VaHaruna iraswe.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotambira makeke ane mushonga wemakonzo achida kuuraya vamwene vake.

Zano iri rinobva raramba kubudirira zvinove zvinozomusiya arambwa nemurume pamwe chete nekusungwa nemapurisa anoenda kunoshevedzwa naMaggie.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotaura ega kuti aive nemwana kurutivi waakanga asina kumboudza Ruvengo murume wake.

Izvi zvinoita kuti Ruvengo aore mwoyo naye.

Regina anonhonga vhunze nemuromo paanorohwa pamhanza chaipo netsvimbo yaMbuya Haruna naCindy ndokubva asvika achiwira pasi nemuromo.

Ropa rinobva rangotanga kujuja pakarepo.

Musoro webhuku unobuda panonzi naRuvengo, “Ndakambokuudza kuti ukarebesa chirimi chako chichazokuparira, iwe nharo puti.

Tarisa nhasi wazonhonga vhunze nemuromo wega. Hapana akumanikidza kutaura huipi hwako Cindy. Wega wadura pachena. p.82.

NB: Mudzidzi ngaazive kuti kunhonga vhunze kuri kutaurwa mubhuku iri hakusi kuburitswa nenzira imwe chete.

Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kupopota zvekuti nyakupopoterwa anosara achirwadziwa zvakanyanyisa.

Saka tingangoti muromo (mashoko anotaurwa nemunhu) unogona kunhongesa munhu vhunze (kuudza vamwe zvinhu zvinovarwadza).

Dzimwe nguva unoona kuti kunhonga vhunze kuita chinhu chinozopinza munhu mumatambudziko pakupera kwacho semaonero azvinoitwa nevazhinji.

Naizvozvo tsvagai zvimwe zvinhu zvamunoona zvinoenderana nemusoro webhuku irori sekududzwa kwazvo mumutambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey