‘Coach wemaWarriors mutsva munaNdira’

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Coach wemaWarriors mutsva munaNdira’ Xolisani Gwesela

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti richatanga kutsvaga murairidzi mutsva wemaWarriors munaNdira apo pachange papera kondirakiti yaJoey “Mafero” Antipas uyo akafanobata chigaro chekurairidza chikwata ichi.

Kondirakiti yaAntipas  — uyo anorairidza Chicken Inn zvakare — ichapera nemusi wa31 Zvita.

Antipas akagadzwa kuti afanobata chigaro chekurairidza maWarriors zvichitevera kusiya basa kwakaitwa naSunday “Mhofu” Chidzambwa apo maWarriors aive achangobva kumakwikwi eAfrica Cup of Nations.

Muhurukuro neKwayedza, mukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela — uyo anove zvakare competitions manager — anoti Antipas ndiye ari kurairidza chikwata ichi kusvika gore rino rapera uye vachazozivisa kuti ndiani achatora chigaro ichi.

“Parizvino Joey Antipas ndiye ari panyanga uye kondirakiti yake yatinayo ichapera musi wa31 Zvita gore rino, kubva ipapo ndipo tichazozivisa nyika kuti tave kufamba sei,” anodaro.

Achibvunzwa neKwayedza kuti parizvino Zifa yambokurukura nevarairidzi vangani kana kuti vangani vakauya kwavari vachitsvaga basa rekurairidza maWarriors,  Gwesela anoti, “Sekutaura kwandaita, tichakuzivisai kana musi wa31 Zvita wadarika apo kondirakiti yedu naAntipas inenge yapera.”

Mwedzi unotevera maWarriors achatanga kurwira tikiti rekuenda kumakwishu e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon uye Antipas ndiye ari kutarisirwa kutungamira chikwata ichi.

 

Share This:

Sponsored Links