Comesa yovhurira madzimai mikana

27 Apr, 2023 - 08:04 0 Views
Comesa yovhurira madzimai mikana Mai Lillian Matsika Takaendisa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reCommon Market for Eastern and Southern Africa (Comesa) – rakabatana neHurumende yeZimbabwe – rine hurongwa hwekuti patorwe matanho akasimba anorerutsira vanhukadzi vari mumabhizimusi akasiyana munyika, kunyanya panyaya yekunyevenutswa kwemagwaro ekufambisa kunze emaVisa apo vanoita mabasa ekutengeserana nevedzimwe nyika dziri mumubatanidzwa uyu.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare svondo rapera uyo wakapindwa nemasangano anomiririra kodzero dzevanhukadzi uye madzimai ari mumabasa akadai seezvicherwa, kurima, kutengeswa kwemiriwo nemaruva.

Vachitaura pagungano iri, Mai Lillian Matsika-Takaendisa vanova chief director weGender and Policy Planning kubazi rezvevanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati, vanoti kana vanhukadzi vakatsigirwa uye kuwaniswa mikana yakaenzana neyevanhurume vanoita mabasa makukutu anosimudzira upfumi hwenyika.

“Ongororo yakaitwa nesangano reZimstat muna2021 inoratidza kuti chikamu chinodarika 56 percent chemadzimai ari mumabhizimusi madiki munyika ari kutungamirirwa nevanhukadzi. Chinonyanya kurwadza ndechekuti mabhizimusi mazhinji ari kutungamirirwa nemadzimai madiki uye vachitoshandira vamwe vanhu nokudaro chirongwa chino ndechekuvhura mikana kuti mabhizimusi ose ari kuitwa nemadzimai vange vachivavarira kuti akure vachidzidzawo zviri kuitwa nedzimwe nyika.

“Tine hurongwa hwekuti vagari vemuZimbabwe vakwanise kushandisa Visa rimwe chete rakangofanana nerenyika dzavanenge vachida kuita mabhizimusi nadzo (Common Visa) kuitira kuti zvive nyore,” vanodaro.

Mai Matsika-Takaendisa vanoti kunyevenutswa kwezvisungo zvemaVisa uku kuchabatsira mukuderedza nyaya dzemhirizhonga kumadzimai.

“Kudhura kunoita maVisa kunogona kuita kuti madzimai ambunyikidzwe nenzira yepabonde uye vamwe vachizopedzisira vapinda mune dzimwe nyika zvisiri pamutemo. Vamwe vanosiya vana kumiganhu yenyika vachienda kunotengesa zvinopa mikana yekuti vambunyikidzwe kana kupambwa.

Madzimai ari mumabhizimusi akasiyana

“Kunonoka kuwana maVisa kunogona kuita kuti vamwe vaore mwoyo vopedzisira vava kungotengesera zvinhu zvavo munyika muno bedzi vasingawani mari yekunze. Zvimwe zvinhu zvinosvika pakuwora nekuda kwekunonoka kufambiswa kwazvo kuenda kune dzimwe nyika nenhau yekudhura kwemaVisa.

“Tiri kuchema kuHurumende kuti kudai yaramba ichiita nhaurwa nenyika dziri muComesa maVisa anyevenutswe tikwanise kutengeserana pachena zvichibatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika uye kuwaniswa kwemabasa kune vechidiki,” vanodaro.

Mai Matsika-Takaendisa vanoti vanofara zvikuru kuti Zimbabwe ine mutemo yakasimbarara yeGender Policy iyo iri kutevedzwa mumakambani apo madzimai nevanasikana vakawanda vave kuwaniswa mikana yemabasa uye zvigaro zvepamusoro kana zvichienzaniswa nemakare apo varume bedzi vaipihwa mikana yakawanda.

Mai Simwepenga Hamusonde, avo vanova director weComesa kuchikamu cheGender and Social Affairs, vanoti kuenzaniswa kwemikana kwakakosha zvikuru nekuti kunobvisa mweya werusarura pamwe nekuburitsa pachena zvipo zvemunhu wose kuti zvishandiswe munyaya dzebudiriro.

“Chisungo cheComesa Treaty chinotarisa mikaha iripo pakuwaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi nekutsvaga nzira yekuigadzirisa. Tiri kuona kuti madzimai ari kunetseka kuwana misika yemuno nekunze nokudaro tinovafundisa nzira dzekutengesa vachishandisa indaneti (ditigal selling).

“Vakawanda vaizeza asi iko zvino vava kuona shanduko huru nekuti vari kutengesa kunyika dzakawanda mari yavo ichitosvika kwavari nenzira dzakasiyana dzinoshandiswa mukufambiswa kwemari. Mudzimai akangwara anotoita mari yake agere kumba achiruka madhoiri, otora mifananidzo nemavhidhiyo otengesa.

“Kana madomasi chaiwo anotengeswa paindaneti, hazvichakodzeri kuti madzimai aonekwe achitandaniswa mumigwagwa nekanzuru iyo mari zhinji iriko kunze,” vanodaro.

Mai Hamusonde vanoti zvakakosha kuti nyika dzishandise mari yakafanana kuti pasazova nezvigozhero munyaya dzekutengeserana.

Comesa inoita zvirongwa zvayo munyika 21 dziri muAfrica dzakanyorerana pasi chibvumirano chemushandirapamwe donzvo riri rekusimudzira nyaya dzekutengeserana uye zvivakwa nemaindasitiri.

Mubatanidzwa uyu wakavambwa musi wa8 Zvita 1994 apo wakatsiva sangano raiveko rainzi Preferential Trade Area (PTA).

Share This:

Sponsored Links