Command Agriculture yorumbidzwa

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
HURUMENDE yorumbidzwa zvikuru nekuda kwechirongwa cheCommand Agriculture chekubatsira varimi nezvekushandisa izvo zviri kuita kuti Zimbabwe ive nemaguta.

Rumbidzo iyi yakapihwa naVaEric Samunda vanove mutevedzeri wamudzviti wedunhu rekwaSeke, kuMashonaland East svondo rapera apo vaitaura pagungano rekumema zvirimwa papurazi raVaIjs Kirk rinodaidzwa kuti Red Dane kana kuti Kefalos asi richinyanya kuzivikanwa nekunzi Bharabhara, kuBeatrice. VaSamunda vanoti gore rakapera varimi vakawana goho guru rechibage nezvimwe zvirimwa nekuda kwechirongwa cheCommand Agriculture.

“Izvozvi matura anongova pfacha-pfacha kupfachukira nechibage kuburikidza nechirongwa ichi cheCommand Agriculture. Hurumende icharamba ichienderera mberi nechirongwa ichi, pano nhasi tiri pamurimi wechichena Kirk uyo akapinda muchirongwa ichi ane chibage chinotyisa apo tinotarisira kuti achakohwa zvikuru,” vanodaro.

VaSamunda vakazotenda zvikuru VaKirk nekugadzirisa kwavakaita mugwagwa unobva kuSkyline uchidarika kuenda kuMhondoro uyo wakaiswa tara kunosvika papurazi ravo.

VaKirk vane mahekita makumi matanhatu embeu yechibage akarimwa pasi pechirongwa cheCommand Agriculture uye chakatoibva kare, chinotarisirwa kunge chave kuoma mumwedzi miviri iri kutevera. Maneja wepapurazi iri kudivi rezvirimwa, VaInnocent Tauro (38), vanoti vakarimawo fodya mahekita 30 iyo vari kutopisa izvozvi.

Kunze kwazvo, vakarimawo matomatisi, soya bhinzi mahekita 42 nezvimwewo.

“Tine minda yatinorima zvirimwa zvakasiyana yakatandavara mahekita 800 apo tine mahekita 60 ari kurimwa pasi pechirongwa cheCommand Agriculture uyewo minda yose yechibage yakatandavara mahekita 220. Nzvimbo yemafuro ezvipfuyo zvedu zvakasiyana yakatandavara mahekita 300 sezvo tiine mombe dzakawanda zvikuru dzenyama nedzemukaka. Izvozvi tiri kukama mombe 550 pazuva roga-roga,” vanodaro VaTauro.

Papurazi iri pari kuvandudzwawo zvirimwa kuburikidza nekambani inodaidzwa kuti Kefalos Cheese apo panogadzirwa zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira cheese, margarine, yoghurt, ice cream nezvimwe zvakasiyana kubva mumukaka. VaMeki Shingai vanova murimisi munzvimbo iyi vanokurudzira varimi kuti vadyidzane nemadhumeni avo kuti vawane ruzivo chairwo rwekurima.

“Hakuna chinhu chakakosha sekuongororwa kwevhu remuminda sezvo zvichititungamirira kuti tizive mishonga nefeteraiza inopindirana neminda yedu nembeu dzekudyara,” vanodaro.

Mushandi mukuru weSeed Co anoona nezvekubudirira kwemabhizimisi munyika muno nekunze, VaCalvin Fambisayi, vanoti  makungano akadai akakosha sezvo achipa varimi mukana wekuwana dzidziso nekupangana mazano.

Share This:

Sponsored Links