Commissar: Ndivo tete vemusangano

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views

Kwayedza

TAZOSVIKA patange tichivavarira — chigaro chaPolitical Commissar. Pamusana pei zvakakosha kuti vanhu vazive kuti chigaro ichi chakamirirei, kunyanya kumavambo pairwiwa hondo yorusununguko?

Mukwende akawana mhinduro mbiri. Yokutanga yakabva mubhuku rakanyorwa naJulie Frederikse, rinonzi “None but Ourselves.”

Panosvika paunoona kuti hurukuro zhinji dzaakaita namapato maviri achiri ZANU neZAPU, aiita nemaPolitical Commissar. Zvoreva kuti ndivo vakange vari vatauriri vemapato aya here, iko kwakange kuine bazi reInformation and Publicity?

Kunobvunza nyaya dzomusangano kumaPolitical Commissar, zvairevawo kuti chaive chigaro chakange chiri chepamusoro-soro, uyewo kuti vakabata chigaro ichi munguva dzakasiyana-siyana, vaifanirwa kuve munhu vanonyatsoziva chimiro chese negwara romusangano, sezvinoita vana chiremba vanofunda chimiro chese chomunhu – “Anatomy and Physiology.”

Imwe mhinduro yakabvawo kuvarwi vorusununguko vakakurukurwa navo, vakadzokorora, vadzokororazve kuti kunyange pavaipinda muRhodesia (yave Zimbabwe), vachirova hondo, chikwata chimwe nechimwe chevarwi chaitove naPolitical Commissar nemunhu anoona nezvokuchengetedzwa (Security).

Mumwe wevarwi ava ndiComrade Joseph Khumalo vandakataura nezvavo masvondo maviri apfuura.

Vanoti: “Political Commissar, ndiye vatete kana ubabakazi vomusangano. Nhoroondo yese ye”revolution” yedu inofanira kunge yakazara muna Commissar, nokuti ndivo vatete.

“Zvese zvatinoita, makakatanwa atinowana mubato, zvese izvozvo zvinofanira kugadziriswa nebazi reCommissariat, rakatungamirirwa naCommissar, nokuti Commissar haana munhu waanenge achifanira kunge achiti uyu ndowokwangu. Kwete!”

Vakaenderera mberi vachiti: “Kana munhu akanganisa, zvisinei nokuti ari pamusoro pake, anofanira kusvikotaura kuti, ‘shefu, apa makanganisa, chekuti nechekuti, gwara redu romusangano rimire sezvizvi!

Ngatitarisei ‘history’ yedu, nhoroondo yedu inoti takarwira rusununguko zvakadai, zvakadai! Kunyange panopinzwa nyaya dzePolitburo, aripo kutaurira President kana First Secretary weParty chokwadi chiri mu’ideology’ yebato.

“Commissar ndiye chete munhu anokwanisa kuita kuti munhu wese agutsikane, pane zvinhu zvavanenge vachiita. Commissar ndiyewo ane gwara remusangano, anogadzirisa musangano, ane ‘ideology’ yemusangano.

“Kubva patakatangisa, Commissar aive munhu akamira pachinangwa. Aifanirwa kuziva kuti musangano unoti kudii, pazvinhu zvakasiyana-siyana. Nhoroondo yebato yakambomira sei?”

Nyaya yokudzidzisa nhengo dzebato nevanokwezvwa kuti vave nhengo dzomusangano yakadzokororwa yadzokororwazve, nokuti munhu haafanirwi kutevera chinhu chaasingazivi – kungoita gundamusaira.

Varwi vorusununguko ava vakati ibasa raCommissar kupa vanhu dzidziso yegwara remusangano inofanirwa kutevedzwa, gwara rinozivikanwa nhoroondo yaro.

Munhu iyeye kana anyatsodzidziswa gwara nechiono chiri mugwara iroro, zvanzi kuti Commissar azive kuti agona, munhu iyeye ngaatore kana kugamuchira “ideology” iyoyo, yomunakidza, odawo kufamba nayo, kwete kungotevera.

Chave chizvino-zvino, asi makare-kare, vatete mumusha vaive munhu ane chiremera nokuti rimwe basa ravo guru raive rokukudza vanasikana vehanzvadzi dzavo netsika nohunhu hwomumusha mavo, mudunhu mavo, kuitira kuti pavanowanikwa vanove vana mai vemba vanomisa dzimba dzisingadhiriki.

Mwanasikana akadzorwa kuvarume vake, aitanga kushorwa ndivatete, vachinzi havana kuraya mwana zvakanaka, kwete vabereki. Zvimwe chete neCommisariat. Zvichifamba mumusangano, ndivo vanopembedzwa. Mukaita chindomene, vanosvorwa nokupihwa mhosva.

Vakataurawo kuti ibasa rebazi reCommissariat kudzidzisa “slogan” yomusangano nezvainoreva. Kana zvichinzi, “MuZANU, iwe neni tine basa;” kana kuti, “Pamberi nokubatana!” zvinorevei?

Dzidziso inobva kubazi reCommissariat inhaka yomusiidzanwa. Zvakabva pakarwiwa hondo makore makumi mana neanoraudza apfuura. Vaibatsirana namamwe mapazi kuumba chinhu chimwe chete, vaine chiono chekwavari kubva, pavari nokuri kuendwa.

Ndivo zvakare vanofanirwa kudzidzisa kuti, Zimbabwe yakauya nokutambura, saka haichadzokeri zvakare mumaoko avapambevhu!

Share This:

Sponsored Links