Cont Mhlanga ashaya

01 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Cont Mhlanga ashaya Cont Mhlanga

Kwayedza

Abel Ndooka

NYANZVI yezvemitambo nekunyora madhirama – Cont “Mdladla” Mhlanga – ashaya.

National Arts Council of Zimbabwe (NACZ) executive director, Nicholas Moyo azivisa nezverufu rwaMhlanga muchinyorwa chatumirwa nesangano iri.

“Zvinhu zvinorwadza zvikuru asi sebhodhi reNational Arts Council of Zimbabwe pamwe nehutungamiriri, tinozivisa nyika yese, chikamu chezvetsika muZimbabwe nepasi rose nezvekushaya kwaCont Mdladla Mhlanga.

“Cont Mhlanga akapinda muchipatara mazuva 10 adarika apo utano hwake hwakamboita zviri nani, asi zvakazoshanduka mazuva matatu adarika. Cont azoshaya nhasi mangwanani.

“Cont Mdladla Mhlanga aive munyori wemitambo, achigadzira mafirimu uye ari creative director zvakare. Kushanda kwake muchikamu chinosimudzira tsika nemagariro echivanhu zvakatanga muna1982 pakavambwa Amakhosi iyo yakatanga ichidzidzisa vechidiki mutambo wekarate ndokuzoenda kune zvemadhirama mugore ra1988,” anodaro Moyo.

Mhlanga anonyanya kuzivikanwa nemitambo yemadhirama yaakabika seAmakorokoza, Sinjalo uye Amakhosi.

Ndiye zvakare yakasimudzira vaimbi vanosanganisira Beatar Mangethe.

Share This:

Sponsored Links