Corona yatikanya: Prince Dube

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Corona yatikanya: Prince Dube Prince Dube

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI weHighlanders nemaWarriors — Prince Dube —  anoti chirwere checoronavirus kana kuti Covid chadzorera nhabvu yake kumashure sezvo ange achitarisira kunokwikwidza kumakwikwi eAfrican Nations Championships (CHAN) 2020 ayo akazomiswa nekuda kwedenda iri.

Mitambo mizhinji pasi rose yakambomiswa nekuda kwechirwere ichi.

Muhurukuro neKwayedza, Dube anoti chirwere ichi chadzosera zvikuru nhabvu yake kumashure asi haana zvekuzviita sezvo acharamba achishanda nesimba kuitira kuti panozotanga nhabvu yemuno coronavirus yapera ange akagadzirira.

“Coronavirus yakatiurayira basa shuwa, asi hapana zvatingazviite kutogara hedu tichingogadzirira kusvika chapera chirwere ichi uye nhabvu yave kutenderwa kutambwa. Asi chikuru ndechekuti vanhu vagare vakachengetedzeka kwavari kuti vasabatire chirwere ichi,” anodaro.

Mutambi uyu ange akashevedzwa kupinda muchikwata chaZdravko Logarusic murairidzi wemaWarriors icho change chichifanirwa kuenda kumakwikwi eCHAN 2020 kuCameroon kutanga musi wa4 Kubvumbi asi CAF yakambomisa mutambo uyu nekuda kwecoronavirus.

Dube — uyo aitarisirwa kunge achitungamira maWarriors achizunza mambure — anoti kumiswa kwemutambo uyu kwakamurwadza.

“CHAN ndange ndichiitarisira nekuti hauzive kuti ndiani anenge auya kuzokutarisa uchitamba. Ndiwo wange uri mukana wangu nevamwe vangu vari muchikwata chedu cheCHAN wekutariswa nezvikwata zvekunze kwenyika. Mutambi wese wenhabvu anotambira munyika ino anotarisira zvikuru kuti agoendawo kunotambira nhabvu yake kunze kwenyika nerimwe zuva,” anodaro.

Mutambi uyu akambonotambira kuSouth Africa kubva gore ra2017 kusvika 2018 kuzvikwata zvinoti SuperSport United neBlack Leopards.

Asi, akazodzoka kumusha achidzokera kuBosso uko kwaakatanga kutambira nhabvu yake akagadzira zita rake asati aenda kuSouth Africa.

Dube anoti anoda kutamba nhabvu yepamusoro kuti agokwanisa kutengwa nezvikwata zvekuEurope.

“Iye zvino ndave kutarisira kuenda kuEurope, ndinoziva kuti ndikashanda nesimba ndinoenda chete uye hapana chinombonditadzisa kuenda. KuSouth Africa ndinogona hangu kuzoendawo kana zvekuEurope zvarambisisa asi kuEurope ndiko ndiri kuda kuenda kunyanya,” anodaro.

Gore radarika, mutambi uyu akakwanisa kunwisa ka12 mumitambo yeCastle Premiership uye akavhoterwa kuve wechitatu pamakwikwi eSoccer Star of the Year.

Anoti mwaka wa2020 pauchatanga ari kutarisira kutamba nhabvu yepamusoro uye ogomwisa kudarika zvaakaita gore radarika izvo zvichamubatsira kuti agotengwa nezvikwata zvekunze.

“2020 richange riri gore rakasiyana nemamwe, ndinoda kutamba nhabvu yepamusoro zvandisati ndakamboita kare nekuti rino igore rangu rekuti ndisvike kure mumutambo wenhabvu. Ini nechikwata changu tinofanirwa kuhwina mikombe yakawanda chaizvo.

“Gore radarika, takahwina Chibuku Super Cup saka gore rino tinofanirwa kuhwina mimwe mikombe yakawanda yepamusoro,” anodaro Dube.

 

Share This:

Sponsored Links