Corona yavhiringa dzidzo, mabasa

22 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Corona yavhiringa dzidzo, mabasa Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation rinoti chirwere cheCovid-19 chakonzera matambudziko makukutu kune vechidiki sezvo vanodarika 1 bhiriyoni dzidzo yavo yakanganiswa nedenda iri apo mumwe chete wavo pavatanhatu vakarasikirwa nemabasa.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti raramo yevechidiki yadzoserwa kumashure zvakanyaya neCovid-19.

Dr Tedros vakataura mashoko aya pakuparurwa kwechirongwa chekutsigira vechidiki vari kutambudzwa neCovid-19 uye nekuti vakwanise kurwisa denda iri, cheGlobal Youth Mobilization for Generation Disrupted.

“Vadzidzi vanodarika 1 bhiriyoni pasi rose vakanganiswa zvakanyanya fundo yavo nekuvharwa kwakaitwa zvikoro apo mumwe chete pavatanhatu pasi rose zvakare vakarasikirwa nemabasa avo.

“Kubvira pakatanga denda iri, WHO yange ichishanda nevechidiki nevamwe vatsigiri vanosanganisira UNICEF neUNESCO nenzira dzakasiyana,” vanodaro.

Dr Tedros vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kutsigira uye kusimbaradza zvirongwa zvekubatsira vechidiki. Tiri kushanda nevechidiki zvakare kuti vabatsire mukuvepo kwemagwaro anodzidzisa vamwe vavo pamusoro pekukosha kwekuzvidzivira kubva kuchirwere cheCovid-19.”

Vanoti WHO yakatsigira zvakare ongororo yakaitwa nevechidiki yeCOVID Youth Survey nechinangwa chekuda kuziva zvavanofunga pamusoro pedenda iri.

“Munguva pfupi inotevera, tichange tichizivisa zvakabuda muongororo iyi pamusoro pekuti vechidiki vanotarisira zvipi uye kuti vanoda kushandisa ruzivo rweCovid-19 rwavanowana pamadandemutande nenzira ipi,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti masvondo maviri adarika, sangano ravo rakaparura kanzuru yevechidiki yeWHO Youth Council nedonzvo rekuti vawane ruzivo rwakakosha pamusoro penyaya dzeutano uye dzebudiriro dziri kukanganisa raramo yavo.

“Nhasi tinofara kuti tiri kuparura chirongwa cheGlobal Youth Mobilization for Generation Disrupted, chinove chitsva pasi rose chekutsigira vechidiki uye nekutiwo vakwanise kubatsira mukurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti chirongwa ichi chiri kutsigirwa nemasangano makuru anozivikanwa nekuti “Big 6” anoti World Organization of the Scout Movement, World Association of Girl Guides and Girl Scouts neYoung Men’s Christian Association.

Mamwe ndeanoti World Young Women’s Christian Association, International Federation of Red Cross and Red Crescent Societies neDuke of Edinburgh’s International Award.

“Masangano aya anodyidzana nevechidiki vanodarika 250 miriyoni pasi rose. Kuburikidza nechirongwa cheGlobal Youth Mobilization, masangano makuru aya, WHO neUN Foundation achashanda nevechidiki pasi rose muzvirongwa zvekubatsira nharaunda kurwisa matambudziko ari kukonzerwa neCovid-19,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti pari zvino US$5 miriyoni yakaiswa parutivi kuti ishandiswe mukufambisa chirongwa ichi uye yakabva kuhomwe yeWHO COVID-19 Solidarity Response Fund, ichitsigirwa neUN Foundation.

Share This:

Sponsored Links