Coronavirus chimbori chii chaizvo?

03 Mar, 2020 - 13:03 0 Views
Coronavirus chimbori chii chaizvo?

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti utachiona hweCoronavirus hunotanga apo munhu anonzwa kunge ari kupindwa nechando asi zvichizowedzera uye achinzwa kuzarirwa.

Utachiona uhwu hunotapuriranwa zvakanyanya uye hakuna mushonga wati wavapo unokwanisa kurapa Coronavirus.

Asi pari zvino kune mimwe mishonga iri kushandiswa ichionekwa ichishanda zvikuru kuChina yakaita semaAnti-Retroviral (ARV) neKaletra.

Nyanzvi dzesainzi dziri mushishi kuita tsvakurudzo yemishonga inorapa chirwere ichi.

Pari zvino vanhu vanodarika 2 000 varasikirwa neupenyu nekuda kweCOVID-19 Virus kuChina uye vamwe vanodarika 14 376 vanonzi vakaburitswa muchipatara mushure mekuratidza kupora kunyika iyi zvisinei nekuti kune dzimwe nyaya dzinodarika 14 000 dzechirwere ichi itsva dziri kunyuka.

Zvichakadai, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana muZimbabwe, Dr Obadiah Moyo, vanoti pachipatara cheWilkins Infectious Disease Hospital chiri muHarare pane varapi vanosvika 70, madhokotera 17 uye manesi 19 nevashandi vemurabhoritari vatanhatu uye vatsigiri vevarapi vaviri kuchizoti vanoona nezveutano hwenharaunda avo vari kudzidzisa varapi maringe negadziriro yechirwere ichi kana chichizenge chanyuka munyika muno.

Kutanga kwesvondo rino, pakava nefungidziro yechirwere ichi kune mumwe mudzimai wemuno ane makore 27 okuberekwa uyo ainzi akabva Wuhan, kuChina akapfuura nekuGuangzhou, izvo zvakaita kuti amboiswa panzvimbo isina veruzhinji pachipatara cheWilkins zvisinei nekuti akaongororwa akazoonekwa asina Coronavirus.

Coronavirus chii?

Utachiona hunowanikwa mumupanda wemaZoonoses kureva kuti hunobata dzimwe mhando dzemhuka, hunotapuriranwa kubva kumhuka huchienda kune imwe.

Nyanzvi dzinoona nezveutano kuChina dzinoti nyaya dzeutachiona uhwu dzakatanga kupera kwemwedzi waZvita 2019 uye vanhu vazhinji vaive nahwo vaiti vakanga vadya chikafu chemugungwa (sea-food) nenyama dzemhuka idzo dzaitengeswa mumisika yekuWuhan City.

Zviratidzo zveCoronavirus:

Mabayo, kukosora kwakanyanya, kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kuita manyoka uye kupererwa nemweya wekufema.

Zviratidzo izvi zvinogona kunyanyira kuvana vadiki nevakwegura sezvo miviri yavo isingakwanisi kurwisa zvirwere nenzira yakasimba.

Zvekuita kudzivirira Coronavirus:

Vhara muromo wako panguva yekukosora kana kuhotsira.

Geza maoko ako nesipo uye mvura yakachena inomhanya sezvamunoita pakurwisa cholera kana typhoid.

Vanenge vabatwa neutachiona uhwu vanoiswa muIntensive Care Unit kuti vabatsirikane uye kupihwa mishonga senzira yekuchengetedza upenyu zvisinei nekuti hakusati kwava nemushonga chaiwo unochipedza.

Zimbabwe iri panyatwa here?

Bazi rezveutano rinoti kana utachiona uhwu hukapinda muZimbabwe, vakagadzirira kuhurwisa.

Kubvira svondo rapera, vanhu 70 vakapinda munyika muno vachibva kuWuhan vachiri kuongororwa kune vane zviratidzo zviri pamusoro uye vacharamba vachiongororwa zvekare mushure memazuva 21 kunyangwe zvavo panguva iyi vanenge vasingatenderwi kuti vasangane nevamwe (quarantine).

Vanokurudzirwa kuti vazivise bazi rezveutano nezvekwavanogara uye kuti vamhan’are kana pachinge paina zviratidzo zveutachiona hweCoronavirus.

Share This:

Sponsored Links