Coronavirus chimbori chii?

29 Jan, 2020 - 19:01 0 Views
Coronavirus chimbori chii? File picture .(Photo by Betsy Joles/Getty Images)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti utachiona hweCoronavirus hunotanga apo munhu anonzwa kunge ari kupindwa nechando asi zvichizowedzera achizarirwa.

Utachiona uhwu hunotapuriranwa zvakanyanya uye hakusati kwava nemushonga unorapa chirwere ichi.

Pari zvino kune mimwe mishonga iri kushandiswa ichishanda, kunyanya kuChina, semaAnti-Retroviral (ARV) neKaletra.

Coronavirus chii?

Utachiona hunowanikwa mumupanda wemaZoonoses kureva kuti hunobata dzimwe mhando dzemhuka uye hunotapuriranwa huchibva kumhuka huchienda kune imwe.

Nyanzvi dzinoona nezveutano kuChina dzinoti utachiona uhwu hwakatanga kuonekwa kupera kwemwedzi waZvita 2019 uye vanhu vazhinji vaive nahwo vaiti vakanga vadya chikafu chemugungwa (sea food) nenyama yemhuka idzo dzaitengeswa pamisika yekuWuhan City rinova rimwe remaguta makuru muChina.

Zviratidzo zveCoronavirus:

Mabayo, kukosora kwakanyanya,

kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kuita manyoka uye kupererwa nemweya wekufema.

Zviratidzo izvi zvinogona kunyanya kuvana nekune vakwegura sezvo miviri yavo isingakwanise kurwisa zvirwere nenzira yakasimba.

Zvekuita kudzivirira Coronavirus:

Vhara muromo wako panguva yekukosora kana kuhetsura.

Geza maoko nesipo uye mvura yakachena inomhanya sezvamunoita pakurwisa cholera kana typhoid.

Vanenge vabatwa neutachiona uhwu, vanoiswa muIntensive Care Unit kuti vabatsirikane uye kupihwa mishonga senzira yekuchengetedza upenyu zvisinei nekuti hakusati kwava nemushonga chaiwo unorapa.

Zimbabwe iri panyatwa here?

Zvisinei nekuti Zimbabwe iri kure chaizvo neChina uko utachiona uhwu huri kuwanikwa, nyika ino iri kuita zvose zvinoita kuti ikwanise kudzivirira chirwere ichi zvichitevera huwandu hwevanhu vemuno nevekuChina avo vanodyidza mune zvakawanda.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti kana utachiona uhwu hukapinda muZimbabwe, vakagadzirira kuhurwisa.

Kubvira svondo rapera, vanhu 70 vakapinda munyika muno vachibva kuWuhan, kuChina, vachiri kuongororwa kuti vane zviratidzo zvechirwere ichi here uye vacharamba vachiongororwa mushure memazuva 21 kunyangwe zvavo panguva iyi vanenge vasingatenderwe kusangana nevamwe (quarantine).

Veutano vemuno vanoti kudii?

Kusvika kupera kwemwedzi waKurume 2020, vanhu ngavambomira kuenda kunzvimbo dzinounganwa.

Vanhu ngavapfeke mamask, zvikuru pavanokwira zvitima kana zvimwe zvekufambisa.

Musadye chikafu chakafuraiwa kana chine masipaisi (spicy food).

Idya kudya kune Vitamin C kwakadai semiriwo wemashizha, mbatatisi nemichero

Kunwa mvura yakawanda kuti pahuro pasaomerwe nekuti utachiona hunotora mukana wekupinda nepanzvimbo yakaoma

Inwawo mvura inodziya.

 

Share This:

Sponsored Links