Coronavirus: Idi nemanyepo

23 Jun, 2020 - 10:06 0 Views
Coronavirus: Idi nemanyepo

Kwayedza

HAKUNA chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyanya kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCovid-19.

Kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C kusvika pa37°C zvisinei nekusiyana kwemamiriro ekunze. Nzira kwayo yekuzvidzivirira kucoronavirus kugeza maoko nesipo nemvura achichena nguva nenguva.

Mvura inopisa haidzivirire coronavirus:

Kugeza nemvura inopisa hakudziviriri Covid-19 uye kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C kusvika pa37°C, zvisinei nekuti wageza nemvura inotonhora kana inopisa. Unotogona kuzvipisa ukakuvara nemvura inopisisa. Kugeza maoko nesipo kunobatsira kurwisa utachiona nekuti ndiwo anozobata nzvimbo dzakavhurika dzinova dziri nyore kupinda neutachiona semuromo, mhuno nemaziso.

Kunyangwe zvazvo utachiona hwecoronavirus huchigara kwemaawa akawanda panzvimbo, hazvireve kuti hunoramba huchirarama mushure mekunge hwabviswa kana kutakurwa huchienda kune dzimwe nzvimbo dzine kudziya kwakasiyana. Mushure mekuhubata, gezai maoko nesipo nemvura yakachena.

Coronavirus haitapurirwe neumhutu:

Kusvika pari zvino hakuna umboo hunoratidza kuti utachiona hweCovid-19 hunoparadzirwa neumhutu. Chirwere ichi chinotambidzwana kuburikidza nemvura iri mumweya wekufema apo munhu anokosora kana kuhotsira kana dzihwa robva ratakura utachiona uhwu huchienda kumumwe munhu.

Gezai maoko enyu nesipo kana muchinge masangana nemunhu ari kukosora kana kuhotsira.

Midziyo yekuomesa maoko (hand driers) inouraya here utachiona?

Kwete, midziyo iyi haina simba rekuuraya coronavirus nokudaro rambai muchigeza maoko nesipo kuti muchengetedze utano.

Ko simba remichina inopisa (ultraviolet) rinouraya here coronavirus?

Hakuna zvakadaro, vanhu ngavasiyane nekatsika kekushandisa UV Lamps mukuuraya utachiona mumaoko avo nekuti vanogona kuzvikuvadza ganda ravo. – WHO.

Share This:

Sponsored Links