Coronavirus: Idi nenhema

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Coronavirus: Idi nenhema

Kwayedza

Hakuna chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyanya kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCOVID-19 kana zvimwe zvirwere.

Kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C kusvika pa37°C zvisinei nekusiyana kwemamiriro ekunze. Nzira kwayo yekuzvidzivirira kucoronavirus kugeza maoko nesipo nemvura nguva nenguva.

Mvura inopisa haidziviriri coronavirus:

Kugeza nemvura inopisa hakudziviriri COVID-19 uye kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C to 37°C, zvisinei nekuti wageza nemvura inotonhora kana inopisa. Unotogona kuzvipisa ukakuvara nemvura inopisa. Kugeza maoko nesipo kunobatsira kurwisa utachiona nekuti ndiwo anozobata nzvimbo dzakavhurika dzinova dziri nyore kupindwa neutachiona semuromo, mhuno nemaziso.

Coronavirus haitapurirwe kuburikidza nezvinhu zvinogadzirwa kunyika yeChina.

Kunyangwe zvazvo utachiona hwecoronavirus huchigara kwemaawa akawanda panzvimbo, hazvirevi kuti hunoramba huchirarama mushure mekunge hwabviswa kana kutakurwa huchienda kune dzimwe nzvimbo dzine kudziya kwakasiyana. Mushure mekuhubata, gezai maoko enyu nesipo nemvura yakachena.

Coronavirus haitapurirwe heumhutu:

Kusvika pari zvino hakuna umboo hunoratidza kuti utachiona hweCOVID-19 hunoparadzirwa neumhutu. Chirwere ichi chinotambidzwana kuburikidza nemvura iri mumweya wekufema apo munhu anokosora kana kuhotsira kana dzihwa robva ratakura utachiona uhwu huchienda kumumwe munhu.

Gezai maoko enyu nesipo kana muchinge masangana nemunhu ari kukosora kana kuhotsira.

Midziyo yekuomesa maoko (hand driers) inouraya here utachiona?

Kwete, midziyo iyi haina simba rekuuraya coronavirus nokudaro rambai muchigeza maoko enyu nesipo kuti muchengetedze utano.

Ko simba remichina inopisa (ultraviolet) rinouraya here Coronavirus? Hakuna zvakadaro, vanhu ngavasiyane nekatsika kekushandisa UV Lamps mukuuraya utachiona mumaoko avo nekuti vanogona kuzvikuvadza ganda ravo. — WHO.

Share This:

Sponsored Links