Uncategorized

Coronavirus inobata tose — President

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
Coronavirus inobata tose — President President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
CHIRWERE cheCovid-19 chakaipisisa zvekuti hachikoshese miganho uye hachina wachinosarudza pakubata kana kuuraya — mupfumi kana murombo.

Vachitenda rubatsiro rwuri kupihwa neveruzhinji mukurwisa chirwere cheCovid-19 — vanosanganisira vakazvimirira, makambani nemasangano — mutungamiri wenyika President Mnangagwa vanoti chirwere ichi chanyonganisa pasi rose kubva kunyika dzakasimukira kusvika kune dzisina.

“Takaona seZimbabwe, kuti tikurudzire nekukumbira munhu wose zvake kuti takatarisana nedambudziko iri sevanhu,” vanodaro President Mnangagwa.

“Ichi chirwere hachizive kuti kune miganho kana kuti uri ani mukurarama. Chinobata vose shoroma nevarombo zvakangofanana. Saka mukuedza kuchimisa, hapana anofanirwa kusara — tose ngatiise misoro pamwe chete.

“Kunze kwaizvozvo, seZimbabwe, hatina kusimukira sedzimwe nyika dzakabudirira. Hatina upfumi hwakasimba seidzi nyika. Bazi redu rezveutano harina zvakakwana sezvinowanikwa kunyika dzakasimukira.”

President Mnangagwa vanoti Covid-19 yaratidza kuti inokwanisa kuvhiringidza nekuparadza upenyu pasi rose.

Vanoti coronavirus — hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 —yanyonganisa nehukasha hwakafanana kunyika dzine zvekushandisa zvakakwana panyaya dzeutano, ndokuita zvimwe chetezvo kunyika dzisina zvakakwana.

Mutungamiri wenyika vanoti Zimbabwe ichiri shure mune zvakawanda, asi nekuzvipira, kuzvibata nekutevedza zvinodiwa, nyika ino inokwanisa kukunda matambudziko anounzwa nechirwere chanyonganisa pasi rose ichi.

“Ndokusaka takazvipira kutevedzera zvinokurudzirwa nesangano repasi rose reWorld Health Organisation. Takaona kuti zvimwe zvinokurudzirwa neWHO isu tinogona kuzvishandisa senzira dzekurwisa dambudziko ratakatarisana naro,” vanodaro.

“Izvi zvinosanganisira kuti vanhu vose vambogara kudzimba (lockdown). Kuti vanhu vagare kudzimba kwakananga kukoshesa upenyu, asi panguva imwe cheteyo upfimi hwenyika yedu, uho hwagara husina kunyatsosimba, huchikanganiswa neCovid-19 kuburikidza nekuvharwa kwemakambani nekuda kwelockdown.”

Pane vakapa rubatsiro rwaitendwa naPresident Mnangagwa nemusi weChitatu paisanganisira mhuri yavo yeFirst Family, iyo kuburikidza nemabasa avo ekurima pasi pePrecabe — yakapa chibage chakawanda matano 90 kuti chiyamure mukurwisa Covid-19.

Uyu mucherechedzo wekuti President Mnangagwa, mudzimai wavo First Lady Amai Auxilia Mnangagwa nemhuri yavo vanotungamirira semucherechedzo wakanaka pane kungotaura nezvechirwere ichi, asi kuratidza kukosha kwezvirongwa zvekuchirwisa.

Vamwe vakapa rubatsiro rwezvekushandisa pakurwisa Covid-19 musi uyu vanosanganisira Bravura Zimbabwe, OK Zimbabwe, Zimgold, Nestle Zimbabwe, Meikles Zimbabwe, Ezekiel Guti University, Chicken Slice, Allied Timbers Zimbabwe, Ariston Holdings, Jesus Christ of the Latter Day Saints Church, Pazia Mining neDCK.

Share This:

Sponsored Links