Uncategorized

Coronavirus: Yeuka zvinotevera

25 May, 2020 - 00:05 0 Views
Coronavirus: Yeuka zvinotevera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.
Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzirwa sei?

  • Coronavirus hutachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho.
  • inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira.
  • kubatana nemunhu anayo sekumhoresana.
  • kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa.
  • kubata mhuka dzinorwara kana kuti mhuka dzesango.

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19

Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dzihwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano dzinoti 2019

Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?

  • siya mita imwechete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosora.
  • usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango.
  • vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira.
  • regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
  • geza maoko ako nguva dzose paunokosora kana kuhotsira, kana kubatsira murwere.
  • geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kana wabva mukushandisa chimbuzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>