Kwayedza
Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.
Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.
Covid-19 inoparadzirwa sei?
- Coronavirus hutachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho.
- inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira.
- kubatana nemunhu anayo sekumhoresana.
- kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa.
- kubata mhuka dzinorwara kana kuti mhuka dzesango.
Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19
Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dzihwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano dzinoti 2019
Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?
- siya mita imwechete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosora.
- usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango.
- vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira.
- regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
- geza maoko ako nguva dzose paunokosora kana kuhotsira, kana kubatsira murwere.
- geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kana wabva mukushandisa chimbuzi.