Coronavirus: Zvimwe zvekuita

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views
Coronavirus: Zvimwe zvekuita

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Chirwere checoronavirus kana kuti COVID-19 chazengezana pasi rose.

Kusvika pari zvino, chirwere ichi chatota upenyu hwemazana evanhu vekunyika dzakasiyana kubva pachatanga kuonekwa munyika yeChina pakupera kwegore radarika.

Munguva pfupi iyoyi, coronavirus yapararira kunyika dzinoda kusvika makumi manomwe dzinosanganisira United States, Italy, South Korea, France nedzimwe.

MuAfrica chaonekwa kunyika dzinosanganisira Algeria, Egypt, Nigeria nekuSouth Africa uko munhu mumwe chete uyo achangobva kubvakachira Italy nemudzimai wake akaonekwa ainacho svondo rino.

MuZimbabwe hamuna munhu ati aonekwa aine chirwere ichi uye Hurumende, ichishanda nedzimwe nyika nemasangano akasiyana, iri kuramba ichisimbaradza kuita ongororo nekuvheneka vauyi kunzvimbo dzose dzinopinda nekubuda nevanhu munyika sekumiganhu yenyika nekunhandare dzendege.

Sangano reWorld Health Organisation rakaumba chisungo chekuona kuti chirwere ichi chadzivirirwa kuburikidza nekushambadza nenzira dzakasiyana pamadandemutande nemunhau.

WHO inokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho anotevera kuti vazvichingetedze pamwe neupenyu hwevamwe kubva kuchirwere ichi.

• Geza mawoko ako nguva nenguva uchishandisa sipo nemvura (sanitizer) kuitira kuuraya utachiona.

• Usaenda panzvimbo dzinoungana vanhu.

• Mira kana kugara uri chinhambwe chemita pakati pako nemunhu ari kukosora kana kuhotsira.

• Kana munhu akahotsira kana kukosora, anogona kukutapurira utachiona hweCOVID-19. Utachiona uhwu hunogona kuenda kune mumwe munhu huri mumate.

• Musabate maziso, muromo kana mhuno nekuti utachioona hunogona kubva mumawoko anobata zvinhu zvakawanda huchipinda mumunhu.

• Kana uchihotsira kana kukosora, zviitire nechemuhapwa mako.

• Garai makavhara muromo nemhuno dzenyu nema”mask” kudzivirira utachiona uhwo hunogona kuuya nenzira yekufema mweya wakasvibiswa.

• Gara kumba kana usiri kunzwa zvakanaka, kunyanya kana uine chikosoro, uchinetseka pakufema uye kasika kuenda kukiriniki, kuchipatara kana kwachiremba uchidura chokwadi kana wakamboshanya kunzvimbo kana kunyika dzine CODIV-19 kuti paitwe ongororo nekutorwa matano ekuti ubatsirwe nenguva uye kuti paitwe dziviriro yekuti chirwere ichi chisatekeshere.

Sei coronavirus ichichiuraya nekukasika?

Haisati yawanirwa mishonga unochiirapa

Utachiona hunoparadza nhengo dzemuviri dzemukati dzakaita semapapu, matumbu, itsvo, nduru nemwoyo zvinova zvinoita kuti munhu agume arasikirwa neupenyu

• Munhu anopererwa nemweya wekufema, mvura yemuviri neropa.

Kuti munhu abatsirikane, anofanira kunge ari muIntensive Care Unit (ICU) achigara achionekwa nemachiremba uye achiwaniswa mvura yemumuviri (drip) nekubatsirwa pakufema.

Kudya kwakaita semichero, muriwo uko kune Vitamin C kunokurudzirwa sezvo kuchibatsira mukurwisa zvirwere.

Munyika dziri muAfrica, idzo dzichiri kusimukira, munoda midziyo yakakwana semibhedha muzvipatara, mvura inowedzera ropa kuvarwere, chikafu chinovaka muviri uye mishonga yekurapa chikosoro nemaAnti-Retroviral Drugs ekusimudzira masoja mumuviri yevarwere.

Ichi chitsvambe kuvatsigiri vose kuti vabatane pamwe mukutsigira zvakanyanya nyika dzichiri kusimukira nezvekushandisa kuitira apo panogona kunyuka chirwere ichi zvinhu izvozvo nezvimwe zvimire segadziriro nekuti dziviriro yakakosha pane kurapa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey