COVID-19 chimbori chii?

04 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
COVID-19 chimbori chii? Coronavirus

Kwayedza

Mumwedzi waZvita 2019, kunyika yeChina kwakanyuka chirwere chitsva cheCoronavirus. Chirwere ichi chakabva chatumidzwa zira rekuti COVID-19. Chirwere ichi chapararira munyika dzakawanda pasi rose. Denda iri idutu rehutachiona hwakakura zvakanyanya hunokonzeresa kurwara kunosanganisira kupindwa nechando nemamwe marwadzo akasimbisisa.

COVID-19 inopararira sei?
COVID-19 inotapuriranwa nekugumhana uye inotekeshera zviri nyore. Hutachiona hwechirwere ichi hunoparadzirwa kuburikidza nekugumhana kwevanhu nemadonhwe anobva kumunhu anacho sezvinotevera:

  • Mumhepo pakukosora
  • Kugumhana nemunhu ane hutachiona sepakumubata kana kumhoresana nemaoko
  • Kubata chinhu chine hutachiona munhu ozobata muromo, mhuno kana maziso asina kutanga ageza maoko.
  • Kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango dziri kurwara.

 Ndinoderedza sei njodzi yekubatira COVID-19?

  • Deredza kuenda pedyo (less than 1 meter) naani zvake kunyanya anenge aine chikosoro kana dzihwa.
  • Dzivirira kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango usino nhumbi dzekuzvidzivirira.
  • Vhara muromo nemhuno netishu kana neruoko pakukosora kana kuhotsira
  • Rega kubata maziso, mhuno nemuromo
  • Geza maoko ako nemvura nesipo achichena
  • Gara kwako woga kwemavhiki maviri kana wabva kunyika ine COVID-19 kana kuti wanga uchigara pedyo nevanhu vane chirwere ichi.
  • Rega kushanya kunzvimbo kana nyika dzine COVID-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey