Covid-19: Dziviriro mushonga mukuru

14 Jul, 2021 - 16:07 0 Views
Covid-19: Dziviriro mushonga mukuru

Kwayedza

VANHU vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 vari kuramba vachiwanda – kwete muZimbabwe bedzi, asi nepasi rose.
Nyika ino yarasikirwa nevanhu vanodarika 2 200 kusvika pari zvino nekuda kwechirwere ichi kubva pavanhu vanodarika 73 200 vabatwa nacho.
Havasi vanhu vashomaba ivava.

Vamwe vangangoti vashoma kana zvichienzaniswa nemamiriyoni evanhu vafa pasi rose.
Rufu rwemunhu mumwe chete chaiye rwunorwadza zvekuti dai zvaibvira taida kuti Zimbabwe isarasikirwe neupenyu hwemunhu mumwe nekuda kwedenda iri.

Zvisinei, zvimwe zvacho hatina simba nazvo asi zvimwe tinaro.
Simba rekuzvidzivirira riri matiri.
Zimbabwe – sedzimwe nyika dzepasi rose – haisati yava nemushonga unorapa Covid-19, asi zvekuita kuti tisaparare sevanhu uye senyika zviripo.
Kudzivirira kutapurirana Covid-19 zvinokwanisika nemunhu wose.

Dziviriro inokunda kurapwa.
Wadirei kuti Covid-19 itange yakubata kuti uzotora matanho ekuzvirapisa kana ekuzvidzivirira?
Zvimwe zvacho zvinozorwadza – kunyanya ukazorasikirwa nemunhu wepedyo kana wekuziva.
Kugona Covid-19 kuzvidzivirira – iwe pachako nenyika yose.

Izvi hazvidi mari seinozodiwa pakuzvirapisa kana worwara.
Hongu, Hurumende yedu iri kushingaira kutora matanho anobatsira uye ichikoshesa utano neupenyu hweruzhinji.
Ndokusaka nemusi weChipiri svondo rino mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakawedzera nemamwe masvondo maviri zvirongwa zvose zvelockdown.

Handi kuti vanhu varwadziwe, asi kukoshesa upenyu.
Izvi vakazviita vachiona kuti mhando itsva yeCovid-19 inodaidzwa kuti Delta yava muvanhu.
Iyi imhando inotapuriranwa nekukasika, zviri nyore uye yakaipisisa.
Panguva imwe cheteyo, mutungamiriri wenyika vaitarisawo kupa veruzhinji mukana wekuti vabaiwe majekiseni kana kuti nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Zvinokudzwa!
Asiwoka, matanho aya anotoshanda kana achinge atevedzwa nevanhu – nemazvo.
Nguva yatava haichada zinyekenyeke. Iwe ita pako ini ndoita pangu.
Dziviriro ine simba hama!

Zviya zvekupfeka masiki sezvinonzi itayi inorembedzwa muhuro kana pachirebvu hazvina wazvinobatsira.
Zvinoitwa nevamwe zvekuungana zvinokonzeresa kutapurirana kwedenda iri. Musaungane kana parufu chaipo.
Vamwe havadi kuzora mishonga kana kugeza maoko nesipo nemvura inochururuka.
Kune vamwewo vanoita sevanovaviwa zvekuti havadi kugara padzimba dzavo.
Kana usina zvaunofambira, gara pamba unodarikwa nezvakawanda.

Kuzvidzivirira hakudi kuita nekuti waona vanochengetedza mutemo asi kuti ibasa rako iwe pachako.
Nekuti kana worwara vemutemo vanenge vasipo asi kuti unenge wotowedzera mutoro kunyika.
Saka vanhu veZimbabwe, zvidzivirirei kuCovid-19 nguva ichiripo.
Musazoti hamuna kunge mayambirwa.
Covid-19 iriko uye iri kuuraya!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey