‘Covid-19 haifanire kukanganisa vana’

22 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
‘Covid-19 haifanire  kukanganisa vana’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevana munharaunda nemuzvikoro zvisinei nekuti nyika iri mubishi kurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pachirongwa chekukosha kwekuchengetedzwa kwevana icho chakarongwa neBoldAds iyo iri pasi pekambani yeZimpapers, nemusi weChina, Sen Mutsvangwa vanoti denda iri harifanire kukanganisa dzidzo yevana.

Chirongwa ichi chakaitwa panguva yezuva rekodzero dzevana reInternational Day of African Child iro rinocherechedzwa nemusi wa16 Chikumi pagore.

“Hurumende haisi kuzofuratira matambudziko akaunzwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekudaro yakaisa zvisungo zve”lockdown” uye iri kushanda nebazi reSocial Welfare mukuona kuti vana vawaniswa zvekushandisa muraramo yavo sekudya, pekurara nekuchengetedzwa kwevana vanorarama mumigwagwa,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Kubvira mumwedzi waNdira 2021 kusvika zvino, vana 107 vakabviswa mumigwagwa uye dzimwe mhuri idzo dzinotungamirirwa nevana dzakawaniswa chikafu. Kubva pasichigare, vana vakakosha muupenyu nekudaro vanoda chengetedzo yakasimba.

“Vana havasi vemunhu mumwe chete asi kuti ndevevanhu vose vari munharaunda, ndiko kusaka kunyangwe nherera dzichinzi hadzishayi muchengeti nekuti vanosara ivavo vanotora danho rekuvachengeta.”

Sen Mutsvangwa vanopembedza zvirongwa zveZunde Ramambo izvo zviri kuitwa nemadzishe munharaunda zvinova zviri kubatsira kuti nherera dziwane chikafu.

Pasi pechirongwa cheZunde Ramambo, vanhu vemunharaunda vanobatsirana kurima munda washe apo zvirimwa zvinozokohwewa zvinobatsira vanotambura senherera neshirikadzi.

“Hurumende yakakumikidza mitemo iri pamusoro pekuchengetedzwa kwevana yakadai seUnited Convention on the Rights of the Child (UNCRC) inorwisa nyaya dzekutengeswa kwemiviri pakati pevechidiki, kuoneswa kwevana mafirimu kana mifananidzo yezvinyadzi, chengetedzo yevana munguva dzehondo kana kushandiswa kwavo muhondo uye mutemo weAfrican Charter on the Rights and Welfare of the Child (ACRWC), pakati pemimwe.

“Bumbiro remutemo wenyika Section 81 rinotaura nezveBill of Children’s Rights and the Children’s Act Chapter 5:06,” vanodaro.

Vanoti nyika iri kusangana nedambudziko revana vari kusiira chikoro panzira uye vamwe vachipedzisira varoodzwa izvo zvinoita kuti vanasikana kunyanya vakundikane kubudirira muupenyu.

“Hurumende iri kutsigira dzidzo kuburikidza nechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) kuti vana vose vawane dzidzo nekudaro hakuna mwana anofanira kudzingwa kuchikoro nekuda kwekuti vabereki vakundikana kubhadhara mari yechikoro. Chikamu che10 percent chemari iyi chinobatsira vana vakaremara padzidzo yavo yepuraimari nesekondari.”

Sen Mutsvangwa vanotenda zvirongwa zvemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa zvekuona kuti vana vawaniswa dzidzo nekudzidziswa tsika nemagariro akanaka.

Achitaurawo pachirongwa ichi, nhengo yeJunior Parliament inomirira Kuwadzana, Myles Ncube, anoti vamwe vana vari kushungudzwa nehama dzepedyo.

“Zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, vana vakambomira kuenda kuchikoro kwenguva refu izvo zvakaona vamwe vasikana vachibatwa chibharo nehama dzepedyo mudzimba dzavanogara uye vamwe vachipedzisira vasiira chikoro panzira kana kubata pamuviri vachizonobvisa nerweseri,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links