Covid-19 haina kumira mushe

23 Apr, 2020 - 20:04 0 Views
Covid-19 haina kumira mushe

Kwayedza

KUSVIKA nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe maonekwa vanhu 28 vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Vana vavo vakatoshaya.

Izvi zvinosuwisa zvikuru uye pasi rose, chirwere chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus ichi chiri kuramba chichibata nekuuraya vanhu vakawandisa.

Mushonga wekuchirapa hausati wavapo.

Nekuedza kuderedza kutapurirana nekupararira kweCovid-19 muZimbabwe, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakawedzera nguva yekuti vanhu vose — kunze kweavo vanoita mabasa akakoshesesa — vambogara kudzimba. Izvi vakazviita mushure mekunge vaona — kuburikidza neongororo yenyanzvi dzezveutano — kuti mamiriro ezvinhu haasati arurama kana pachitariswa mafambiro edenda iri.

Kuvamba nemurwere mumwe chete uyo akaonekwa aine Covid-19 musi wa20 Kurume, vanhu ava vawanda zvekusvika pa28 svondo rino.

Izvi zvinoratidza kuti chirwere ichi chavamo muZimbabwe uye chiri kupararira.

Matunhu abatwa vanhu vaine Covid-19 ndeanoti muHarare, kuBulawayo, kuMashonaland East nekuMatabeleland North.

Asi hazvireve kuti kumamwe matunhu hakudaro kusina coronavirus. Inogona kunge yaveko asi zvisati zvabatwa bedzi.

Ndokusaka Hurumende yakapamhidzira mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba kuitira kuti ose matanho anoda kutorwa atorwe.

Hurumende inofanirwa kutendwa nematanho airi kutora kubvira chirwere ichi chisati chabatwa muno.

Kutaura kuno Hurumende yeZimbabwe yatora matanho makuru pakuedza kurwisa Covid-19.

Kuti vanhu vambogara kumba, kuvandudza zvipatara nemakiriniki kuti zvikwanise kuvheneka nekubatsira varwere veCovid-19, kutenga nekukumbira rubatsiro rwemishonga, magirovhosi, mamask nezvinodiwa pakuongorora denda iri, pakati pezvimwe, zvimwe zvaitwa neHurumende izvo zvakakoshesesa.

Chinangwa chiri chekususukidza mberi utano neupenyu hweveruzhinji. Hurumende haina kuda kuwanikwa yakarivara, ndokusaka kutora matanho ose aya.

Hongu, mari inganetsa kuwana — asi mabasa makukutu ari kubatwa zvekuti hapana asiri kuzvionera.

Chinongodiwa bedzi ndechekuti isu vanhu vacho — iwe neni — tichiitawo pedu. Apo zvava kunzi vanhu vaongororwe Covid-19 vari kwavari kumatunhu akasiyana enyika, iwewe chibva watora mukana uyu kana uchifungidzira kuti une zviratidzo zvacho.

Pazviri kunzi garai kana kuti mirai muchisiya mita imwe chete pakati penyu, iwe chingoita izvozvo.

Pazvinonzi gezai maoko nesipo achichena, ingoita sekudaro.

Zvinonzi musaungane mumagungano akaita semichato neparufu, isu ngatitevedzere.

Patinoudzwa kuti usabate muromo, mhuno kana maziso nemaoko asina kugezwa, ngatiitei saizvozvo.

Hanzi pakukosora kana kuhotsira, munhu vhara muromo kana mhuno yako netishu. Ingozviita uone kusevenza kwazvo.

Kana izvo zvinonzi usagare kana kumira pedyo nemunhu ane zviratidzo zvekurwara nedziwa zvinongoda kutevedzwa.

Nekuti zvose izvi zvakanakira iwe, ini nenyika.

Covid-19 haina kumira mushe. Chengetedza upenyu.

Share This:

Sponsored Links