Covid-19: Hondo huru ichiripo

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Covid-19: Hondo huru ichiripo

Kwayedza

CHIRWERE cheCovid-19, icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus, chinoratidza kuti chadzika midzi muZimbabwe zvichitevera kuwanda kwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine denda iri pamwe chete nevari kufa.

Kusvika pari zvino, vanhu 4 221 vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu hweivava, 1 238 vakatonaya asi vamwe 81 vakafa.

Pakatanga kuonekwa chirwere ichi munyika muno nemusi wa20 Kurume 2020, kune vamwe vaiona sedambe vasingakoshese matanho anokurudzirwa neHurumende nemapoka akasiyana-siyana ekudzivirira kupararira kwacho.

Asi, pari zvino masamba asiyana nekuti chirwere ichi chinoratidza kuti chanyatsopinda munyika uye kana tikaita zvedambe, tinopera nechakapedza mbudzi.

Kune nyika dzakawanda dzakabudirira zvikuru, idzo dzinosanganisira United States of America neItaly, dziri kutambudzwa neCovid-19 uye vanhu vari kufa vakawanda zvisinei nekuti dzine upfumi hwakakwirira uye zvipatara zvavo ndezve zvemhando yepamusoro-soro.

Nyanzvi dzezveutano dzakagara dzayambira kare kuti chirwere ichi chinogona kubata vanhu vakawandisa munguva yemwaka wechando sezvo hutachiona hwacho huchipararira zvakanyanya munguva yakadai apo vanhuwo vanobatwa nezvirwere zvedzihwa nekukosora.

Hurumende iri kutora matanho akasiyana-siyana ekurwisa kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti veruzhinji vasafambe kubva nenguva dza6pm kusvika 6am uye kuti vagare vakapfeka mamasiki nguva dzose kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vasaite chitsokotsoko uye kugara vachishambidza maoko avo nesipo nemvura inomhanya.

Asi kune vamwe vasati vave kukoshesa kutevedzera matanho ose aya. Vamwe vari kufamba vasina kupfeka mamasiki kana kuzoapfeka vaona vanochengetedza mutemo semapurisa.

Kwete, masiki haipfekerwe mupurisa asi kuchengetedza upenyu hwako iwe nevamwe vanhu.

Masiki inochengetedza utano hwemunhu akaipfeka nekudaro hapana anofanirwa kumanikidzwa kuipfeka.

Kunze kwaizvozvo, kune vari kufamba munguva dzisingatenderwe zvakare zvisina tsarukano vasingazive kuti matanho ose ari kutorwa aya ndeekuchengetedza utano hwavo.

Kwoitawo vamwe vari kupinda munyika muno zvisiri pamutemo kana kuti vari kutiza kunzvimbo dzavanenge vakachengetwa vachiongororwa kuti havana here hutachiona hwecoronavirus.

Nguva yadarika, pane nyaya yakabuda yemurume wekuMatabeleland South uyo akatiza panzvimbo yaaichengetwa achiongororwa utano hwake ndokuenda kumba uko akasvika ndokutapurira coronavirus kuvanhu vashanu vemhuri yake.

Ichi chinofanirwa kuva chidzido kumunhu wose kuti Covid-19 handi jee.

Ino haizi nguva yekuita dambe asi kuti nyika yose iise misoro pamwe chete mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Tikatarisa kuti kusvika pari zvino vanhu vafa nekuda kweCovid-19 vanosvika 81 uye kuti huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi huri kuramba huchikwira, zvinoratidza kuti pachiri nenyaya pakurwisa kupararira kwacho.

Share This:

Sponsored Links