Covid-19 ichiriko: VP Chiwenga

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Covid-19 ichiriko: VP Chiwenga VP Chiwenga

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

KUBUDIRIRA kuri kuitwa neZimbabwe mukudzivirira kupararira kweCovid-19 hakufanirwe kutorwa sekuti hondo yekurwisa denda iri yatopera sezvo njodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechipiri ichiripo.

Vanhu vakawanda vave kuvarairwa uye havachatevedza matanho akatarwa ekudzivirira chirwere ichi panguva iyo sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), riri kurumbidza Hurumende yeZimbabwe nebasa guru rairi kuita mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vice President Constantino Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vanoyambira kuti chirwere ichi chinogona kupararira zvakare zviri nyore kana veruzhinji vakasatevedzera matanho ekuchidzivirira.

Kusvika nemusi weSvondo, Zimbabwe yange yava nevanhu 8 374 vakawanikwa vaine utachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 7 927 vakatopona asi vamwe 243 vakafa.

Vachitaura svondo rapera pakuparurwa kwezvirongwa zvinoti Global Hand Washing Day, National Sanitisation Week pamwe chete neWorld Toilet Day and Wash Finance Week, VP Chiwenga vanoti Zimbabwe haisati yakunda hondo yekurwisa Covid-19 ndokukurudzira veruzhinji kuti vapfeke mamasiki nenzira kwayo kana vari panzvimbo dzinoungana vanhu.

“Chirwere ichi, kana kuti virus semaziviro atinochiita, chinouraya,” vanodaro.

“Hachina zera, kana kuti uri ani uye chinoparadza. Ndapota svitsai mashoko aya kune vamwe venyu, kushamwari nekumhuri dzenyu uye tose ngativei takangwarira.

“Nyika dzakawanda dziri kuzama kuti dzive nemushonga wekudzivirira chirwere ichi (vaccine) asi chokwadi chiripo ndechekuti mushonga uyu hausati wavepo. Asi kunyangwe dai taive nawo, tinofanirwa kujaira kugara tichizvichengetedza kubva kuzvirwere zvipi nezvipi.

“Tose ngatitevedzerei zvatinoudzwa nevashandi vezveutano. Tose ngaticherechedze mitemo yakatarwa neWorld Health Organisation,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti kugeza maoko nesipo uye nemvura kwakakosha zvikuru mukurwisa Covid-19.

“Zvinobatsirana nemamwe matanho akadai se’lockdown’, kusafamba kwevanhu zvisina tsarukano, kuzora maoko sanitiser, kusaita chitsokotsoko nekuchengetedzwa kwevane chirwere ichi panzvimbo pavo voga, pakati pemamwe matanho ari kutorwa nenyika yedu kurwisa Covid-19, iyo iri kutorwa senjodzi pasi rose,” vanodaro.

VP Chiwenga vanotenda Hurumende, vanhu vemuZimbabwe nemapoka akasiyana mukubatsira kumisa kupararira kweCovid-19.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Dr Alex Gasasira – avo vanova mumiririri weWHO muZimbawe – vanorumbidzawo Hurumende nematanho airi kutora mukurwisa chirwere ichi.

“Sezvamunoziva, kucherechedzwa uku kuri kuitwa panguva apo pasi rose riri kurwisana nedenda reCovid-19,” vanodaro.

“Ndinoda kurumbidza Hurumende yeZimbabwe nematanho akasimba airi kutora mukurwisa chirwere ichi.

“Tinonzwa kusimudzirwa nehutungamiriri hwakasimba hweHurumende, kubatsira kwenharaunda nemamwe mapoka ose ari kuzama nepavanogona kutevedzera zviri kudiwa.”

Dr Gasasira vanoti pane basa guru raitwa mukudzivirira Covid-19, ndokutsinhira mashoko aVP Chiwenga ekuti zvakakosha kuti veruzhinji varege kuvarairwa.

Dzimwe nyika dziri kuona kunyuka kweCovid-19 kechipiri, asi Dr Gasasira vanoti kana Zimbabwe ikaramba ichitevedza matanho akatarwa ekurwisa chirwere ichi, inokwanisa kuchikunda.

Gurukota rezvemari, Professor Mthuli Ncube avo vaivawo pagungano iri, vanovimbisa kutsigira zvirongwa zvehutsanana, zvikuru kuti veruzhinji vawane mvura yakachena.

Share This:

Sponsored Links