‘Covid-19 ichiripo’

09 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
‘Covid-19 ichiripo’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana riri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kunzvimbo dzakasiyana dzenyika uko kwachiri kunyuka, kusanganisira kumakoreji nemuzvikoro, uye veruzhinji vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vachitaura nevatori venhau nemusi weChipiri mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti chirwere cheCovid-19 chichirimo munyika.

“Nyika inoziviswa kuti chirwere cheCovid-19 tichiri nacho uye hatisati tabuda munjodzi iyi nekudaro zvakakosha kuramba tichitevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, bazi reutano nekurerwa kwevana riri mushishi kurwisa denda iri kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika dzinosanganisira makoreji nemuzvikoro.”

Sen Mutsvangwa vanoti senzira yekuti pawanikwe mukana wekufirita hutachiona muzvikoro nekuchenesa nharaunda dzakapoteredza, zvidzidzo zvemuzvikoro zvepazororo hazvisi kutenderwa kuitwa kwemasvondo matatu apo zvinenge zvakavharwa.

“Izvi zvinotarisirwa kuti zvichabatsira mukucheneswa nekufiritwa kwezvikoro nenzvimbo dzakapoteredza nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19. Kudzidza kuchaenderera mberi kuburikidza nedzimwe nzira dzinosanganisira vadzidzi kuverenga vari kudzimba,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti Hurumende yakawedzera chirongwa che”lockdown” kuKwekwe nemasvondo maviri zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi muguta iri.

Vanoti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 inozikanwa nekunzi Indian variant, iyo yakatanga kunyuka kunyika yeIndia, yakaonekwa zvakare pakati pedzimwe nyaya itsva dzevanhu vakabatwa vaine denda iri kuKwekwe.

Hurumende, vanodaro Sen Mutsvangwa, iri kushanda nesimba kuti majekiseni emushonga wekudzivirira Covid-19 ange aripo akaringana.

“Veruzhinji vanoziviswa kuti pane matanho akasimba ari kutorwa ekuti majekiseni avepo. Bazi reutano nekurerwa kwevana pari zvino riri kuendesa mishonga yemajekiseni iripo kunzvimbo dzakasiyana kuitira kuti majekiseni epiri (2nd dose) ange achiwanikwa nyore. Mamwe majekiseni 500 000 anotarisirwa kunge ave munyika panosvika musi wa15 Chikumi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 39 321 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 756 vakatopona asi vamwe 1 617 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 689 397 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 389 412 vange vabaiwa epiri.

Share This:

Sponsored Links