Covid-19 inogona kuwanda muchando

10 May, 2022 - 17:05 0 Views
Covid-19 inogona kuwanda muchando Dr Mangwiro

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

DUNHU reMatabeleland rinonzi ndiro rine vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 panguva iyo nyanzvi dzezveutano dziri kuyambira kuti huwandu hwevanhu vanobatwa nedenda iri muZimbabwe hunogona kukwira mumwaka uno wechando.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kunyika yeSouth inova yakavakidzana neZimbabwe.

Nemusi weSvondo, vanhu 83 vakawanikwa vaine Covid-19 munyika ino yose apo 71 vari vekuMatabeleland.
Pavanhu 83 vakabatwa vaine denda iri, 53 vaive vekuMatabeleland South, 10 vekuBulawayo nevasere vekuMatabeleland North.

Nemusi weSvondo zvakare, Bulawayo ndiyo yaive nevanhu vakawanda vaive nezviratidzo zvakanyanya (active cases) zvechirwere ichi muZimbabwe avo vaive 214 kubva pa791 vemunyika yose.

Mukuru wezveutano kuBulawayo, Dr Maphios Siamuchembu, vanoti huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri hunotarisirwa kukwira zvichitevera kutanga kwemwaka wechando.

“Tiri kutanga kuona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, takawana nyaya itsva 26 nemusi weMugovera chete uye sedunhu mamiriro ezvinhu aya ane zvaanoreva.

“Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri hunogona kuramba huchikwira sezvo iye zvino tave mumwaka wechando uyewo nekuda kwekuti vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kuSouth Africa vari kuwandawo,” vanodaro.

“Tinokurudzira avo vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri kuti vabaiwe. Tinofanirwa zvakare kuramba tichitevedzera matanho akatarwa neWHO (World Health Organisation) ekudzivirira kupararira kweCovid-19.”

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kubaiwa nhomba ndiyo nzira bedzi yekukunda kupararira kwedenda iri sezvo huwandu hwevanhu vanobatwa nechirwere ichi huchigona kukwira, kwete kuBulawayo chete asi nyika yose.

“Vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine chirwere ichi munyika dzakatipoteredza uye dzimwe dzenyika idzi dziri kutofunga kutanga zvirongwa zvekudzivirira zvakadai selockdown nekudaro zvichatikanganisawo, kunyanya kana vamwe vanhu vakaramba vasina hanya nekubaiwa nhomba,” vanodaro Dr Mangwiro.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 5 916 447 vange vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) apo 3 865 963 vange vabaiwa yechipiri (second dose) uye vamwe vanodarika 647 049 vange vabaiwa yechitatu (booster).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 248 352 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.
Pavarwere ava, 242 085 vakatopona asi vamwe 5 476 vakafa.

Share This:

Sponsored Links