Uncategorized

‘Covid-19 inotoda kushanda pamwe’

29 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Covid-19 inotoda  kushanda pamwe’ Prof Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose ekudzivirira kupararira kweCovid-19 sekupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekuita hutsanana nguva dzose uye havafanire kumanikidzwa kuita izvi nevabati vezvemutemo sezvo zvichibatsira mukuchengetedza upenyu hwavo.

Vachipindura mibvunzo mudare reSenate svondo rapera, vakafanobata chigaro chegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Professor Amon Murwira, vanoti munhu wose ane basa rekuita muhondo yekumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Senator Joseph Chirongoma avo vanomirira dunhu reMashonaland West vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende kune vasiri kutevedza kurudziro iri kupihwa yakadai sekuti kana pari parufu vanhu vanoungana havafanire kudarika 50.

Sen Chirongoma vanoti kune dzimwe nzvimbo dzekumaruwa, vanhu vanenge vari parufu vanodarika 50 avo vanotenderwa pasi pemutemo.

“Kumaruwa, parufu unoona paine vanhu vanodarika 50. Vanhu havazi kutevedzera zvinodiwa. Bazi renyu riri kuita sei kuitira kuti huwandu hwevanhu vanenge vari parufu huenderane nehunodiwa? Pamusoro pezvo, pachivanhu chedu, kana munhu afa anotarisirwa kurara mutumbi wake uri mumba ozovigwa zuva rinotevera. Tingagadzirise sei nyaya yakadai?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti Hurumende yakadzika mitemo iri maringe nekurwisa kupararira kweCovid-19 iyo inofanirwa kutevedzwa.

“Mimwe yemitemo iyi inorambidza kuungana kwevanhu. Vanhu havafanire kuungana vakawanda, vanofanirwa kupfeka mamasiki, vazora masanitizers uye vachigeza mawoko, zvichingodaro.

“Vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuziva kuti hapana mutemo unoti gurukota kana mupurisa anouya kwauri oita kuti upfeke masiki. Zvakaoma.

“Nyaya yandiri kutaura ndeyekuti tichatora matanho kuburikidza nekukusha mashoko kuitira kuti zvive mupfungwa dzevanhu vazive kuti mitemo iyi yakadzikwa nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwavo. Saka zvinotobatsira munhu kuchengetedza utano hwake kuitira kuti Hurumende isavhime vanhu vari kutyora mitemo iyi,” vanodaro.

Prof Murwira vanoenderera mberi vachiti, “Hatingauye kuzokunamikidza kuti upfeke masiki yako. Semunhu, unofanirwa kuziva kuti kana ukarega kupfeka masiki zvinokuisa panjodzi yekusangana nerufu. Kana ukasazora mishonga inouraya utachiona maoko ako, unorwara. Saka ndinovimba kuti kurudziro yakadaro inogona kutibatsira uye pamusoro pezvo toti zvakare musaite chitsokotsoko nekuti munofa.

“Tinofanirwa kusimbaradza chenjedzo yakadai nekuti vatungamiriri vematunhu kana madzishe vanofanirwa kufambisa mashoko.”

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 2 704 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 542 vakatonaya asi vamwe 36 vakafa.

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kuna Mambo Chikwaka VaWitness Bungu vekuMashonaland East, Prof Murwira vanoti veruzhinji vanofanirwa kumhan’arira kumapurisa vanhu vavanoziva kuti vatiza munzvimbo dziri kuchengeterwa vanobva kunze kwenyika panguva iyo vanoongororwa kuti havana here Covid-19 kana kuti vanopinda munyika zvisiri pamutemo.

Mambo Chikwaka vanoti kune vamwe vanhu vari kupinda munyika zvisiri pamutemo izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kwechirwere ichi.

“Kune vanhu vari kupinda munyika zvisiri pamutemo zviri kuita kuti pave nenjodzi yekuparaira kweCovid-19. Kutaura kwandiri kuita kuno, pane nyaya yakaitika mazuva matatu adarika yemunhu akatiza kubva kuBostwana ndokupinda munyika muno zvisiri pamutemo,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vanhu vose vanobva kunze kwenyika vanofanirwa kumbochengetwa kwavo voga vachiongororwa utano hwavo.

“Mutemo pamusoro pezvo unoti kana pane akatiza panzvimbo yaanenge achiongororwa utano hwake uye odzokera kunharaunda, munhu wose ane basa rekumumhan’arira kumapurisa kuitira kuti adzoserwe kwaanenge atiza. Kana paine nyaya inozivikanwa, zvakakosha zvikuru kuti vanhu vakadaro vafumurwe vaendeswe kunzvimbo dziri kuongororwa vanhu utano hwavo.

“Maringe nemutemo, zvinhu zvakajeka chose kuti tinofanirwa kunge tichiita sei,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey