Covid-19 itori dambudziko

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Covid-19 itori dambudziko

Kwayedza

HUWANDU hwevanhu vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye pari zvino hwava pa1 064.

Kuwanda kuri kuita vari kuwanikwa vaine chirwere chinokonzerwa nehutachiona hwecoronavirus ichi kwave kutyisa.

Tinodaro nekuti pakatanga chirwere ichi munyika muno munaKurume, vanhu vakawanda vaibatwa neCovid-19 ndeavo vaibva kunze kwenyika.

Asi iye zvino zvasiyana nekuda kwekuti vakawandawo vave kuwanikwa vaine hutachiona uhu ndevari munharaunda dzatigere muZimbabwe uye vasina kumbobvira vaenda kunze kwenyika.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti pavanhu 30 vakabatwa vaine Covid-19 nemusi weChiriri svondo rino mushure mekuvhenekwa, 14 vakabva kunze kwenyika asi vamwe 16 vagara vari muZimbabwe.

Pa16 vagara vari munyika muno, bazi iri rinoti vanomwe vavo vari kuzivikanwa kuti vakawana sei hutachiona uhu mushure mekunge vatapurirwa nevanacho vari kuzivikanwa.

Izvi zvinoreva kuti vamwe vapfumbamwe havazi kuzivikanwa kwavakawana Covid-19.

Pakadai apa pane dambudziko guru nekuti zvakakosha kuti munhu azivikanwe kuti awana kupi chirwere.

Kana munhu akazivikanwa mabatiro aanenge aita Covid-19 zvinove nyore kutevera vose vaakasangana navo vachivhenekwa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Semuenzaniso, vanhu vapfumbamwe vasiri kuzivikanwa nebazi rezveutano mabatiro avakaita Covid-19 zvinoreva kuti vose vavakasangana navo vasiri kuzivikanwa vari panjodzi yekubatira chirwere ichi nekudaro chinoramba chichipararira.

Ichi ndicho chikonzero veruzhinji vari kukurudzirwa kutevedzera matanho ose akananga kumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kupfeka mamasiki nemazvo, kusaita chitsokotsoko uye kusangofamba-famba zvisina tsarukano.

Kune vamwe veruzhinji vari kutora chirwere ichi sedambe vasingazive kuti hachizi chekuita jee nacho.

Zvinotoshamisa kuona kuti vamwe vanhu vari kufamba vasina kupfeka mamasiki uye vachiungana zvisina tsarukano munzvimbo dzakadai sekumisika inotengeswa zvirimwa.

Munhu wose ane chikamu chaanofanirwa kuita muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

Haizi nyaya yekutya vabati vezvemutemo vakaita semapurisa asi kuchengetedza upenyu hwako iwe nehwevamwe.

Hurumende inofanirwa kurumbidzwa zvikuru nematanho airi kutora mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Danho rekuti kuvhurwa kwezvikoro kupfuudzwe mberi rizere neuchenjeri nekuti kana zvikavhurwa pari zvino vana nevadzidzisi vanenge vari panjodzi yekutapurirwa hutachiona.

Chakakosha panguva ino kuchengetedza upenyu hwevanhu uye zvimwe zvose zvozoonekwa nekufamba kwenguva.

Kana vanhu vakabatana mukurwisa kupararira kweCovid-19, zviri nyore kukunda chirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>