Uncategorized

Covid-19: Magungano amiswa

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Covid-19:  Magungano amiswa President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakati chirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 chava njodzi huru (State of National Disaster) ndokumbomisa kuitwa kwemagungano makuru anosanganisira Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), mhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere nekuungana kwevanhu vanodarika 100 kwemazuva 60 anotevera.

Magungano akamiswa anosanganisira zvakare emachechi, michato neemitambo yose.

Izvi zvakaziviswa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa mumashoko avo kunyika eState of the Nation Address (Sona) vari kumuzinda wavo weState House, muHarare.

Danho rakatorwa neHurumende iri rinoita kuti ikwanise kuunganidza mari nezvekushandisa zvakawanda zvekurwisa coronavirus.

Coronavirus yashungurudza pasi rose zvekuti dzimwe nyika sedziri kuEurope dzakatovharwa zvekuti hakune vanhu vari kutenderwa kupindako.

“Hurumende yatora danho rekumbopfuudza kumberi kana kumisa kuungana kwevanhu. Nekuda kweizvi, Hurumende yapfuudza kumberi kuitwa kweZimbabwe International Trade Fair, mhemberero dzose dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere idzo dzange dzakarongwa nemitambo yose kusvikira pasisina njodzi yecoronavirus. Zvose izvi zvichazoitwa apo tinenge tagutsikana kuti nyika haisisiri panjodzi,” vanodaro President Mnangagwa.

Mutambo mukuru wekupemberera kuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere wange wakarongwa kuitirwa kuBulawayo, zvose neZITF.

President Mnangagwa vanoti zvose zvaifanirwa kushandiswa pamagungano ambomiswa aya zvave kuendeswa kunorwisa coronavirus.

Zvichakadai, dare reCabinet nemusi weChipiri chino rakawirirana pamusoro pezvisungo zvine chitsama zvakananga kusimbaradza kurwiswa kwecoronavirus.

Zvisungo izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwechipatara cheWilkins Hospital chiri muguta reHarare uko pari zvino kuri kuendeswa vanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane Covid-19.

Cabinet iri kukurudzira zvakare veruzhinji kuti vasashanye kana kudarika nekunyika dzine coronavirus.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti pari zvino vanhu vanodarika 184 000 vabatwa necoronavirus pasi rose uye vamwe vanodarika 7 500 ndokufa.

 

Share This:

Sponsored Links